ShonaTeam Jeremiah « 44 »

Jeremiya anoparidzira vaJudha vari paEgipita

44Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pevaJudha vose vaigara panyika yeEgipita, vakagara paMigidhori nepaTapanesi nepaNofi nemunyika yePatirosi, richiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Imwi makaona chakaipa chose chandakauisa pamusoro peJerusarema nepamusoro pemaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, uye hapachina munhu unogara maari;

3 nekuda kwekuipa kwavo kwavakaita kunditsamwisa, pakuti vakaenda kunopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, kuti vashumire vamwe vamwari vavasina kuziva, ivo, imwi, nemadzibaba enyu.

4 Zvakadaro ndakatuma kwamuri varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichituma, ndichiti: Haiwa, musaita chinhu chinoyangadza ichi chandinovenga.

5 Asi havana kuteerera uye havana kurerekera nzeve yavo kuti vadzoke pakuipa kwavo, kuti vasapisira vamwe vamwari zvipfungaidzo zvinonhuhwira.

6 Naizvozvo hasha dzangu nekutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nemunzira dzemumusha dzeJerusarema; zvino ava nzvimbo yakaparadzwa, ava matongo, sepazuva iri.

7 Naizvozvo ikozvino anoreva seizvi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsraeri: Munoitirei chakaipa chikuru ichi kumweya yeupenyu yenyu, kuti muzvigurire murume nemukadzi, mwana neanoyamwa kubva pakati paJudha, kuti musazvisiira anosara?

8 Pakunditsamwisa nemabasa emaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvipfungaidzo zvinonhuhwira panyika yeEgipita, kwamunoenda kunogara sevatorwa, kuti muzvigure, uye kuti muve chakatukwa nechishoorwa pakati pemarudzi epanyika?

9 Makanganwa here zvakaipa zvemadzibaba enyu, nezvakaipa zvemadzimambo aJudha, nezvakaipa zvevakadzi vavo, nezvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvevakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nemunzira dzemuJerusarema?

10 Havana kuzvityora kusvika zuva iri, uye havana kutya, uye havana kufamba mumurairo wangu nemuzvimiso zvangu zvandakaisa pamberi penyu nepamberi pemadzibaba enyu.

11 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndinorinzira chiso changu kwamuri pane zvakaipa, nekugura Judha wose.

12 Uye ndichatora vakasara vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuenda kunyika yeEgipita kunogarako sevatorwa; uye vose vachapedzwa, vachawa munyika yeEgipita, vachapedzwa nemunondo, nenzara; vachafa kubva kumudikisa kusvika kumukurusa nemunondo uye nenzara; uye vachava chakatukwa, chakaraswa, nechituko, nechishoorwa.

13 Nokuti ndichavaranga vagere munyika yeEgipita sezvandakaranga Jerusarema, nemunondo, nenzara, uye nehosha;

14 kuti hakuna wakapukunyuka newakasara pane vakasara vaJudha anopinda munyika yeEgipita kunogaramo semutorwa, kuti vadzokere kunyika yaJudha, kwavakashuva kudzokera kunogarako; nokuti havazodzokeri kunze kwevachapukunyuka.

15 Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nevakadzi vose vaiva vamirepo, chaunga chikuru, nevanhu vose vaigara munyika yeEgipita, paPatirosi, vakapindura Jeremiya vachiti:

16 Shoko iri rawataura kwatiri muzita raJehovha, hatingakuteereri.

17 Asi tichaita zvekuita chinhu chipi nechipi chinobuda mumuromo medu, kupisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira zvipo zvechinwiwa, sezvatakaita, isu, nemadzibaba edu, madzimambo edu, nemachinda edu, mumaguta aJudha nemunzira dzemumusha dzeJerusarema; ipapo taiguta chingwa, uye taifara, uye hatina kuona chakaipa.

18 Asi kubva panguva yatakarega kupisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira zvipo zvechinwiwa, takashaya zvose, uye takapedzwa nemunondo uye nenzara.

19 Zvino pataipisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira chipo chechinwiwa, takamuitira makeke ekumushumira nekumudururira chipo chechinwiwa pasina varume vedu here?

20 Zvino Jeremiya wakataura kuvanhu vose, kuvarume, nekuvakadzi, nekuvanhu vose vaiva vamupindura neshoko, achiti:

21 Zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvamakapisa mumaguta aJudha nemunzira dzemumusha dzeJerusarema, imwi, nemadzibaba enyu, madzimambo enyu, nemachinda enyu, nevanhu venyika, Jehovha haana kuzvirangarira here, zvichibva mumurangariro wake?

22 Kusvika Jehovha asingachagoni kutakura nekuda kwekuipa kwezviito zvenyu, nekuda kwezvinyangadzo zvamakaita; naizvozvo nyika yenyu yava dongo, nechishamiso, nechakatukwa, isina mugari, sanhasi.

23 Nekuda kwekuti makapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, uye kwekuti makatadzira Jehovha, uye hamuna kuteerera kuinzwi raJehovha, uye hamuna kufamba mumurairo wake nemuzvimiso zvake nemuzvipupuro zvake; naizvozvo chakaipa ichi chaitika kwamuri sepazuva iri.

24 Zvino Jeremiya wakati kuvanhu vose nekuvakadzi vose: Inzwai shoko raJehovha, Judha wose ari munyika yeEgipita:

25 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, achiti: Imwi nevakadzi venyu mose makataura nemuromo wenyu ndokuzadzisa neruoko rwenyu muchiti: Zvirokwazvo tichaita mhiko dzedu dzatakapika, kupisira mambokadzi wekumatenga zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekumudururira zvipo zvechinwiwa; muchasimbisa zvirokwazvo mhiko dzenyu, nekuita zvirokwazvo mhiko dzenyu.

26 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, Judha vose vagere munyika yeEgipita: Tarirai, ini ndakapika nezita rangu guru, anoreva Jehovha, kuti zvirokwazvo zita rangu harichazorehwi mumuromo weupi neupi waJudha munyika yose yeEgipita, achiti: NaIshe Jehovha mupenyu!

27 Tarirai, ndinovarindira pane zvakaipa uye kwete pane zvakanaka; uye varume vose vaJudha vari munyika yeEgipita vachapedzwa nemunondo uye nenzara, kusvika pava nekuguma kwavo.

28 Zvino vanopukunyuka pamunondo vachadzokera kubuda munyika yeEgipita kuenda kunyika yaJudha vashoma pauwandu; nevakasara vose vaJudha vakauya kunyika yeEgipita kunogarako sevatorwa, vachaziva kuti shoko richamira ndera ani, rangu kana ravo.

29 Zvino ichi chichava chiratidzo kwamuri, anoreva Jehovha, kuti ndichakurangai panzvimbo iyi, kuti muzive kuti mashoko angu achamirisana nemwi zvirokwazvo pane chakaipa.

30 Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichapa Farao Hofira mambo weEgipita muruoko rwevavengi vake, nemuruoko rweavo vanotsvaka upenyu hwake, sezvandakapa Zedhekia mambo waJudha muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muvengi wake, waitsvaka upenyu hwake.