ShonaTeam Jeremiah « 41 »

Ishimaeri anouraya Gedhariya nevamwe

41Zvino zvakaitika mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waErishama, werudzi rweumambo, nevakuru vamambo, nevarume gumi pamwe naye, vakasvika kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami paMizipa; uye ipapo vakadya chingwa pamwe paMizipa.

2 Zvino kwakasimuka Ishimaeri mwanakomana waNetaniya nevarume gumi vaiva naye, ndokurova Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani nemunondo, ndokumuuraya, iye mambo weBhabhironi waaiva aita mubati pamusoro penyika.

3 Ishimaeri wakaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naGedhariya paMizipa, nevaKaradhiya vakawanikwapo, varume vehondo.

4 Zvino zvakaitika nezuva rechipiri shure kwekunge auraya Gedhariya, uye pasina wakaziva,

5 kuti kwakasvika vamwe kubva kuShekemu, kuShiro, nekuSamariya, varume makumi masere, vane ndebvu dzakavevurwa nenguvo dzakabvarurwa, uye vakazvicheka-cheka, vane zvipo nezvipfungaidzo zvinonhuhwira muruoko rwavo kuuisa kuimba yaJehovha.

6 Zvino Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakabuda paMizipa kunovachingamidza, achifamba achingochema musodzi; zvino zvakaitika paakasangana navo, wakati kwavari: Uyai kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami.

7 Ndokuti pavakasvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakavauraya ndokukanda mukati megomba, iye nevarume vaiva naye.

8 Asi kwakawanikwa varume gumi pakati pavo vakati kuna Ishimaeri: Musatiuraya, nokuti tine matura mumunda, egorosi, nebhari, nemafuta, neuchi. Naizvozvo wakarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.

9 Zvino gomba Ishimaeri raakakandirapo zvitunha zvose zvevarume vaaiva auraya pamwe naGedhariya, raiva iro mambo Asa raakaita nekuda kwekutya Bhaasha mambo waIsraeri. Ishimaeri mwanakomana waNetaniya akarizadza nevakaurawa.

10 Zvino Ishimaeri wakatapa vakasara vose vevanhu vaiva paMizipa, vakunda vamambo, nevanhu vose vakasara paMizipa, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavaisa kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami; Ishimaeri mwanakomana waNetaniya ndokuvatapa, ndokufamba kuti ayambukire kuvana vaAmoni.

11 Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo vaiva naye, pavakanzwa zvakaipa zvose Ishimaeri mwanakomana waNetaniya zvaakaita,

12 ndokutora varume vose ndokuenda kunorwa naIshimaeri mwanakomana waNetaniya, ndokumuwana pamvura zhinji iri paGibhiyoni.

13 Zvino zvakaitika vanhu vose vaiva naIshimaeri pavakaona Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo vaiva naye, vakafara.

14 Zvino vanhu vose Ishimaeri vaaiva atapa kubva paMizipa vakatendeuka ndokudzoka ndokuenda kuna Johwanani mwanakomana waKareya.

15 Asi Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakapukunyuka kubva pana Johwanani ane varume vasere, ndokuenda kuvana vaAmoni.

16 Johwanani mwanakomana waKareya nevakuru vose vedzihondo vaiva naye ndokutora vakasara vose vevanhu vaaiva adzosa kubva kuna Ishimaeri mwanakomana waNetaniya paMizipa, shure kwekunge auraya Gedhariya mwanakomana waAhikami: Varume vakasimba, varume vehondo, nevakadzi, nevanana, nevatenwa, vaaiva adzosa kubva paGibhiyoni.

17 Zvino vakabva ndokugara paGeruti-Kimhami riri paBheterehemu, kuti vafambe vapinde muEgipita,

18 nekuda kwevaKaradhiya; nokuti vaivatya, nokuti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya wakauraya Gedhariya mwanakomana waAhikami, mambo weBhabhironi waaiva aita mubati pamusoro penyika.