ShonaTeam Jeremiah « 30 »

Kudzoka kwevakatapwa vaJehovha

30Shoko rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha richiti:

2 Anotaura seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri, achiti: Zvinyorere mashoko ose andakataura kwauri mubhuku.

3 Nokuti tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichadzosa utapwa hwevanhu vangu Israeri naJudha, anoreva Jehovha, uye ndichavadzosa kunyika yandakapa kumadzibaba avo, uye vachaigara nhaka.

4 Zvino awa mashoko Jehovha aakataura maererano naIsraeri uye maererano naJudha.

5 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Takanzwa inzwi rekudedera, rekutya, uye kwete rerugare.

6 Bvunzai ikozvino, mugoona kana murume achirwadziwa nemimba? Sei ndichiona munhurume umwe neumwe ane maoko ake pamusoro pechiuno chake semukadzi anorwadziwa nemimba, uye zviso zvose zvakashanduka kucheneruka?

7 Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, zvekuti hakuna rakafanana naro; uye inguva yekutambudzika kwaJakove; asi achaponeswa kubva pazviri.

8 Zvino zvichaitika pazuva iro, anoreva Jehovha wehondo; ndichavhuna joko rake kubva pamutsipa wako, uye ndichadambura zvisungo zvako; uye vatorwa havangazomushandisi.

9 Asi vachashandira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira.

10 Naizvozvo usatya, iwe muranda wangu Jakove, anoreva Jehovha; uye usavhunduka, Israeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, nechizvarwa chako panyika yekutapwa kwavo; uye Jakove achadzoka agova muzororo, agova nerunyararo, uye hapana angamutyityidzira.

11 Nokuti ini ndinewe, anoreva Jehovha, kukuponesa; kunyange ndichipedza chose marudzi ose kwandakakuparadzira, zvakadaro handingakupedzi chose; asi ndichakururamisa nechiyero, uye handingakusii usina kutongorangwa.

12 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Kusvuuka kwako hakurapiki, ronda rako rakaipa.

13 Hakuna unoreverera mhosva yako, kuti usunge ronda; hauna mishonga inoporesa.

14 Vadikanwi vako vose vakukanganwa, havakutsvaki, nokuti ndakakukuvadza neronda remuvengi, nekuranga kweane utsinye, nekuda kwekuwanda kwezvitadzo zvako; zvivi zvako zvakawedzera.

15 Unochemei pamusoro pekusvuuka kwako? Kusuruvara kwako hakurapiki; nekuda kwekuwanda kwezvitadzo zvako, zvivi zvako zvakawedzera; ndaita zvinhu izvi kwauri.

16 Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwa; nevadzivisi vako vose, vose vavo, vachaenda muutapwa; uye vanokupamba vachava chakapambwa; uye vose vanokubvuta ndichavapa kukubvutwa.

17 Nokuti ndichakudzosera utano, uye ndichakurapa pamaronda ako, anoreva Jehovha; nokuti vanokuidza wakadzingwa, vachiti: IZiyoni, hakuna anoritsvaka.

18 Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichadzosa kutapwa kwematende aJakove, nekunzwira tsitsi nzvimbo dzake dzekugara; uye guta richavakwa pamusoro pechikomo chake, nemuzinda uchagara setsika yawo.

19 Zvino kuchabuda kwavari rumbidzo, neinzwi revanopembera, uye ndichavapamhidzira, zvino havangavi vashoma, ndichavakudzawo, uye havangavi vadiki.

20 Vana vavo vachavawo sekare, neungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu, uye ndicharanga vose vanovamanikidza.

21 Zvino mukuru wavo achabva mavari, uye mubati wavo achabuda pakati pavo; zvino ndichamuswededza, uye achaswedera kwandiri; nokuti ndiani angaita mweya wake chibatiso chekuswedera kwandiri? anoreva Jehovha.

22 Zvino muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.

23 Tarirai, chamupupuri chaJehovha, kupfuta kwabuda, chamupupuri chinokukura, chichawira nekurwadza pamusoro pemusoro wevakaipa.

24 Kupfuta kwehasha dzaJehovha hakungadzoki, kusvika azviita, uye kusvika asimbisa zvinangwa zvemoyo wake; pakuguma kwemazuva mucharangarira izvi.