ShonaTeam Jeremiah « 27 »

Mufananidzo wemajoko

27Pakutanga kwekutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Zviitire zvisungo nemajoko, ugozviisa pamutsipa wako.

3 Uye uzvitumire kuna mambo weEdhomu, nekuna mambo waMoabhu, nekuna mambo wevana vaAmoni, nekuna mambo weTire, nekuna mambo weSidhoni, neruoko rwenhume dzakasvika paJerusarema kuna Zedhekia mambo waJudha.

4 Zvino uvaraire kuti vati kunana tenzi vavo: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Muchareva seizvi kunana tenzi venyu:

5 Ini ndakaita nyika, nemunhu, nemhuka, zviri pamusoro pechiso chenyika, nesimba rangu guru, uye neruoko rwangu rwakatandavadzwa, uye ndakaipa kune wakafanira pameso angu.

6 Ikozvino ini ndapa nyika dzose idzi muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhukawo dzesango ndakamupa kuti dzimushandire.

7 Zvino marudzi ose achamushandira, nemwanakomana wake, nemwanakomana wemwanakomana wake, kusvika kwasvika nguva yenyika yake pachake; ipapo marudzi mazhinji nemadzimambo makuru achamushandisa.

8 Zvino zvichaitika, kuti rudzi neushe zvisingamushandiri, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nevasingaisi mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharuranga nemunondo uye nenzara uye nehosha, kusvika ndavapedza neruoko rwake, anoreva Jehovha.

9 Zvino imwi regai kuteerera kuvaporofita venyu, nekuvavuki venyu, nekuvaroti venyu, nekuvadudziri vezviratidzo venyu, nekuvaroyi venyu, vanotaura kwamuri vachiti: Hamungashandiri mambo weBhabhironi.

10 Nokuti vanoporofita nhema kwamuri, kukubvisirai kure nenyika yenyu, uye kuti ndikudzingei, uye muparare.

11 Asi rudzi rwunopinza mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nekumushandira, ndicharwurega panyika yarwo, anoreva Jehovha; uye rwuchairima ndokugaramo.

12 Ndakataurawo kuna Zedhekia mambo waJudha zvinoenderana nemashoko awa ose, ndichiti: Uisai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, uye mumushandire nevanhu vake, mugorarama.

13 Muchafirei, imwi nevanhu venyu, nemunondo, nenzara, uye nehosha, sezvakataura Jehovha kurwisana nerudzi rwusingashandiri mambo weBhabhironi?

14 Naizvozvo regai kuteerera kumashoko evaporofita vanotaura kwamuri vachiti: Hamungashandiri mambo weBhabhironi; nokuti vanoporofita nhema kwamuri.

15 Nokuti handina kuvatuma, anoreva Jehovha, zvakadaro vanoporofita nhema muzita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, kuti muparare, imwi nevaporofita vanoporofita kwamuri.

16 Ndakataurawo nevapristi nekuvanhu vose ava ndichiti: Anoreva seizvi Jehovha: Regai kuteerera kumashoko evaporofita venyu vanoporofita kwamuri vachiti: Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha ikozvino ichakurumidza kudzoswa kubva Bhabhironi; nokuti vanoporofita nhema kwamuri.

17 Regai kuvateerera; shandirai mambo weBhabhironi mugorarama. Guta iri richaitirei dongo?

18 Asi kana vari vaporofita, uye kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere ikozvino kuna Jehovha wehondo, kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha neimba yamambo waJudha nepaJerusarema isaenda kuBhabhironi.

19 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo maererano nedzimbiru, uye maererano negungwa, uye maererano nezvigadziko, uye maererano neyakasara yemidziyo, zvakasara muguta iri;

20 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi zvaasina kutora paakatapa Jekoniya, mwanakomana waJehoyakimu mambo waJudha kubva kuJerusarema kuenda kuBhabhironi, pamwe nevakuru vose vaJudha neJerusarema;

21 hongu, anoreva seizvi Jehovha wehondo Mwari waIsraeri maererano nemidziyo yakasara muimba yaJehovha nemuimba yamambo waJudha nepaJerusarema:

22 Zvichaiswa kuBhabhironi uye zvichavapo kusvika zuva randichazvishanyira, anoreva Jehovha; ipapo ndichazvikwidza ndokuzvidzosa panzvimbo iyi.