ShonaTeam Jeremiah « 23 »

Kudzoswa kwevakasara

23Nhamo kuvafudzi vanoparadza nekuparadzira makwai emafuro angu! anoreva Jehovha.

2 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri, kupokana nevafudzi vanofudza vanhu vangu: Imwi makaparadzira makwai angu, uye makaadzinga, uye hamuna kuashanyira; tarirai, ndichatsiva pamusoro penyu chakaipa chezviito zvenyu, anoreva Jehovha.

3 Zvino ini ndichaunganidza vakasara vemakwai angu kubuda kunyika dzose dzandakavadzingirako, uye ndichavadzosa kudanga ravo; uye vachabereka ndokuwanda.

4 Zvino ndichamutsa pamusoro pavo vafudzi vachavafudza, uye havangazotyizve, uye havangavhunduswi, uye havangashaiwi, anoreva Jehovha.

Bukira raDhavhidhi

5 Tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, pandichasimudzira Dhavhidhi bukira rakarurama; uye mambo achatonga nekubudirira, uye achaita mutongo nekururamisira panyika.

6 Pamazuva ake Judha achaponeswa, naIsraeri achagara akachengetedzeka; uye iri izita rake raachadanwa naro: Jehovha Kururama Kwedu.

7 Naizvozvo, tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, pavasingazotizve: NaJehovha mupenyu, wakakwidza vana vaIsraeri kubuda munyika yeEgipita.

8 Asi: NaJehovha mupenyu, wakakwidza uye wakatungamirira chizvarwa cheimba yaIsraeri kubuda munyika yekumaodzanyemba, nekunyika dzose kwandakavadzingirapo; uye vachagara munyika yavo.

Vaporofita venhema vanotukwa

9 Maererano nevaporofita, moyo wangu wakaputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anodedera; ndakaita sechidhakwa, uye semurume wakundwa newaini, nekuda kwaJehovha uye nekuda kwemashoko ake matsvene.

10 Nokuti nyika izere nemhombwe; nokuti nekuda kwekutukwa nyika inochema; mafuro erenje aoma, uye mufambiro wavo wakaipa, uye simba ravo harina kururama.

11 Nokuti muporofita nemupristi vose havatyi Mwari; hongu mumba mangu ndakawana uipi hwavo, anoreva Jehovha.

12 Naizvozvo nzira yavo ichava kwavari seinotedza murima; vachatinhwa, ndokuwira mairi; nokuti ndichavauisira chakaipa, iro gore rekushanyirwa kwavo, anoreva Jehovha.

13 Uye ndakaona unyangadzi kuvaporofita veSamariya; vakaporofita naBhaari, vakatsausa vanhu vangu Israeri.

14 Asi kuvaporofita veJerusarema ndakaona chinhu chinotyisa; vanoita upombwe, uye vanofamba munhema, vanosimbisawo maoko evanoita zvakaipa, kuti vasatendeuka umwe neumwe pakuipa kwake; vose kwandiri vakaita seSodhoma, nevagari varo seGomora.

15 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo maererano nevaporofita: Tarirai, ndichavadyisa gavakava, uye ndichavanwisa mvura yenduru; nokuti kusatya Jehovha kwakabuda kuvaporofita veJerusarema kunyika yose.

16 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Musateerera kumashoko evaporofita vanoporofita kwamuri; vanokuitai musina maturo; vanotaura muono wemoyo wavo, kwete kubva mumuromo maJehovha.

17 Vanoramba vachiti kune vanondizvidza: Jehovha wati: Muchava nerugare. Uye vanoti kune umwe neumwe anofamba mukuoma kwemoyo wake: Chakaipa hachingakuwirii.

18 Nokuti ndiani wakamira pazano raJehovha, uye wakaona nekunzwa shoko rake? Ndiani wakateerera shoko rake kuti anzwe?

19 Tarirai, dutu remhepo raJehovha, hasha dzabuda, zvirokwazvo chamupupuri chinorwadza; chichawira nekurwadzwa pamusoro pemusoro wevakaipa.

20 Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvika azviita, uye kusvika asimbisa ndangariro dzemoyo wake; pamazuva ekupedzisira muchazvinzwisisa nekunzwisisa.

21 Handina kutuma vaporofita ava, zvakadaro vakamhanya; handina kutaura navo, zvakadaro vakaporofita.

22 Asi dai vaiva vamira pazano rangu, dai vakanzwisa vanhu vangu mashoko angu, dai vakavatendeusa panzira yavo yakaipa, nepakuipa kwezviito zvavo.

23 Ndiri Mwari ari pedo here, anoreva Jehovha, uye kwete Mwari ari kure?

24 Pane munhu angavanda panzvimbo dzakavanda wandisingazooni ini here? anoreva Jehovha. Handizadzi matenga nenyika here? anoreva Jehovha.

25 Ndakanzwa vaporofita zvavakareva, vanoporofita nhema muzita rangu, vachiti: Ndarota, ndarota.

26 Kusvika rinhi izvi zviri mumoyo mevaporofita vanoporofita nhema? Hongu, vaporofita vekunyengera kwemoyo wavo.

27 Vanofunga kukanganwisa vanhu vangu zita rangu nekurota kwavo kwavanoudza umwe neumwe wekwake; madzibaba avo sezvaakakanganwa zita rangu nekuda kwaBhaari.

28 Muporofita ane chiroto ngaarondedzere chiroto, neane shoko rangu ngaataure shoko rangu nekutendeka. Mashanga chii pazviyo? anoreva Jehovha.

29 Shoko rangu harina kudaro here, semoto? anoreva Jehovha; uye senyundo inoputsanya dombo here?

30 Naizvozvo, tarira, ndinopokana nevaporofita, anoreva Jehovha, vanoba mashoko angu, umwe neumwe kune umwe wake.

31 Tarira, ndinopokana nevaporofita, anoreva Jehovha, vanoshandisa ndimi dzavo, ndokuporofita vachiti: Wati.

32 Tarira, ndinopokana nevanoporofita hope dzenhema, anoreva Jehovha, ndokudzirondedzera, ndokutsausa vanhu vangu nenhema dzavo, uye nekushaya hanya kwavo; zvakadaro ini handina kuvatuma, uye handina kuvaraira, naizvozvo havangabatsiri vanhu ava zvachose, anoreva Jehovha.

33 Uye vanhu ava kana muporofita kana mupristi pavachakubvunza vachiti: Mutoro waJehovha chii? Ipapo uchati kwavari: Mutoro rudzii? Kuti ndichakusiyai, anoreva Jehovha.

34 Maererano nemuporofita, nemupristi, nevanhu, vachati: Mutoro waJehovha. Ndicharangawo munhu uyo neimba yake.

35 Muchareva seizvi umwe neumwe kune umwe wake, uye umwe neumwe kuhama yake: Jehovha wakapindurei? Uye Jehovha wakataurei?

36 Asi hamuchazorevizve mutoro waJehovha, nokuti shoko remunhu umwe neumwe richava mutoro, nokuti makatsausa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha wehondo, Mwari wedu.

37 Muchareva seizvi kumuporofita: Jehovha wakakupindurai chii? Uye Jehovha wakataurei?

38 Asi kana muchiti: Mutoro waJehovha; naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Nokuti munotaura shoko iri muchiti: Mutoro waJehovha; naizvozvo ndatuma kwamuri ndichiti: Regai kuti: Mutoro waJehovha.

39 Naizvozvo tarirai, ini ndichakukanganwai chose, ndichakusiyai imwi neguta randakakupai imwi nemadzibaba enyu, mubve pachiso changu.

40 Zvino ndichaunza kushoorwa kwekusingaperi pamusoro penyu, nechinyadzo charinhi narinhi, zvisingazokanganikwi.