ShonaTeam Jeremiah « 7 »

Jeremiya anoparidza ari mutembere

7Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:

2 Mira pasuwo reimba yaJehovha, zvino paridza ipapo shoko iri, uye uti: Inzwai shoko raJehovha, imwi mose vekwaJudha, munopinda nepamasuwo awa kuzoshumira Jehovha.

3 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Natsai nzira dzenyu nezviito zvenyu, zvino ndichakugarisai panzvimbo ino.

4 Imwi musavimba nemashoko enhema anoti: Izvi itembere yaJehovha, tembere yaJehovha, tembere yaJehovha.

5 Nokuti kana mukanatsa zvekunatsa nzira dzenyu nezviito zvenyu; kana muchiita mitongo kwazvo pakati pemunhu newekwake;

6 musingamanikidzi mutorwa, nherera, nechirikadzi, uye musingateuri ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye musingateveri vamwe vamwari kuti zvikuipirei;

7 ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubva kare kusvika rinhi narinhi.

8 Tarirai, munovimba nemashoko enhema, asingabatsiri chinhu.

9 Muchaba, muchauraya, nekuita upombwe, nekupika nhema, nekupisira Bhaari zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nekutevera vamwe vamwari vamusingazivi here?

10 Zvino muchauya ndokumira pamberi pangu muimba ino, inodanwa nezita rangu, mugoti: Takasunungurwa kuita zvinyangadzo zvose izvi?

11 Imba iyi inodanwa nezita rangu yava bako remakororo pameso penyu here? Ini, tarirai, ndaona, anoreva Jehovha.

12 Asi endai ikozvino kunzvimbo yangu iri paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, zvino muone zvandakaiitira nekuda kwekuipa kwevanhu vangu Israeri.

13 Zvino ikozvino, nokuti maita mabasa ose awa, anoreva Jehovha, uye ndataura nemwi, ndichimuka mangwanani ndichitaura, asi hamuna kunzwa, ndakakudanai, asi hamuna kupindura;

14 naizvozvo ndichaitira imba iyi, inodanwa nezita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo iyi yandakakupai imwi nemadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro.

15 Naizvozvo ndichakudzingai mubve pachiso changu, sezvandakadzinga hama dzenyu dzose, mbeu yose yaEfuremu.

16 Naizvozvo iwe usanyengeterera vanhu ava, usavasimudzira kuchema kana munyengetero, usareverera kwandiri, nokuti handingakunzwi.

17 Hauoni zvavanoita mumaguta aJudha nemunzira dzemumisha dzemuJerusarema here?

18 Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye vakadzi vanokanya mukanyiwa kuti vaitire vahosi vekumatenga makeke, nekudururira vamwe vamwari zvipo zvezvinwiwa, kuti vanditsamwise.

19 Vanonditsamwisa here? anoreva Jehovha; havazinozvinetsa here, kuti vazvinyadzise zviso zvavo?

20 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pemunhu, nepamusoro pemhuka, nepamusoro pemiti yesango, nepamusoro pechibereko chepanyika, zvino zvichatsva uye hazvizodzimwi.

21 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Isai zvipo zvenyu zvinopiswa pamwe nezvibairo zvenyu, mudye nyama.

22 Nokuti handina kutaura kumadzibaba enyu uye handina kuvaraira pazuva randakavabudisa panyika yeEgipita maererano nenyaya yechipo chinopiswa kana chibairo.

23 Asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti: Teererai inzwi rangu, zvino ndichava Mwari wenyu, nemwi muchava vanhu vangu; uye fambai munzira dzose dzandichakurairai, kuti zvikunakirei.

24 Asi havana kuteerera, uye havana kurerekera nzeve yavo, asi vakafamba nemazano mukurangarira kwemoyo wavo wakaipa, nekudzokera kumashure, kwete mberi.

25 Kubva pazuva madzibaba enyu raakabuda naro panyika yeEgipita, kusvika pazuva rino, ndakakutumirai varanda vangu vose, vaporofita, zuva nezuva ndichimuka mangwanani ndichituma;

26 zvakadaro havana kunditeerera, uye havana kurerekera nzeve yavo, asi vakaomesa mutsipa wavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.

27 Naizvozvo uchataura mashoko awa ose kwavari, asi havangakuteereri; zvino uchadana kwavari, asi havangakupinduri.

28 Naizvozvo uchati kwavari: Urwu rudzi rwusinganzwi shoko raJehovha Mwari warwo, uye rwusingagamuchiri kurangwa; chokwadi chapera, uye chagurwa kubva pamuromo warwo.

29 Vevurai vhudzi renyu, murase; musimudze mariro panzvimbo dzakakwirira, nokuti Jehovha waramba uye wasiya zera rekutsamwa kwake.

30 Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pameso angu, anoreva Jehovha; vakaisa zvinyangadzo zvavo muimba inodanwa nezita rangu, kuti vaisvibise.

31 Zvino vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata wemwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana vavo nevakunda vavo mumoto, zvandisina kuraira, uye zvisina kupinda mumoyo mangu.

32 Naizvozvo, tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, paisingazonzi Tofeti, kana mupata wemwanakomana waHinomi, asi Mupata wekuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, kuti pasava nenzvimbo.

33 Nezvitunha zvevanhu ava zvichava chekudya cheshiri dzematenga nechemhuka dzepanyika, uye hakuna achazvibhururusa.

34 Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha nepanzira dzemuJerusarema inzwi remufaro, nenzwi remufaro mukuru, inzwi rechikomba, nenzwi remwenga; nokuti nyika ichava dongo.