ShonaTeam Isaiah « 30 »

Kuvimba kwaIsraeri neEgipita

30Nhamo kuvana vanopanduka! anoreva Jehovha, kuita zano asi risiri rangu, uye kufukidza nechifukidzo asi chisiri chemweya wangu, kuti vawedzere chivi pachivi.

2 Avo vanofamba kuburukira kuEgipita, uye vasina kubvunza muromo wangu, kuti vazvisimbise pasimba raFarao, nekuvimba nemumvuri weEgipita.

3 Naizvozvo simba raFarao richava kwamuri chinyadzo, uye kuvimba nemumvuri weEgipita kuchava kuvhiringidzika.

4 Nokuti machinda ake aiva paZoani, nenhume dzake dzakasvika kuHanesi.

5 Vose achavanyadzisa nevanhu vasina mubairo kwavari vasina rubatsiro vasina mubairo, asi vechinyadzo uyewo vekushooresa.

6 Mutoro wezvikara zvechamhembe. Kunyika yekumanikidzwa nekutambudzika, kunobva shumba hadzi, neshumba, nyoka, nenyoka yemoto inobhururuka, vanotakura fuma yavo pafudzi rembongoro diki, nepanyundwa yemakamera zvinokosha zvavo, kuisa kuvanhu vasingabatsiri.

7 Nokuti vaEgipita vanobatsira pasina uye zvisina maturo; naizvozvo ndakachema pamusoro peizvi ndikati: Simba ravo kungogara.

8 Ikozvino, enda, zvinyore pamberi pavo pahwendefa, uzvinyore nekuveza mubhuku, kuti zvivepo zuva rekupedzisira, kuva chapupu kusvika rinhi narinhi.

9 Nokuti rudzi rwunomukira, vana varevi venhema, vana vasingadi kunzwa murairo waJehovha;

10 vanoti kuvaoni: Musaona; uye kuvataridzwi: Musataridza zvakarurama kwatiri; taurai zvinosvedzerera kwatiri, onai neunyengeri;

11 budai munzira, mutsauke mubve mugwara, gumisai pamberi pedu Mutsvene waIsraeri.

12 Naizvozvo anoreva seizvi Mutsvene waIsraeri: Nokuti munozvidza shoko iri, asi muchivimba nekumanikidza nekutsauka, uye muchisendama mazviri;

13 naizvozvo chakaipa ichi chichava kwamuri sepakakoromoka panowa, kufuta parusvingo rwakakwirira, kukoromoka kwaro kunosvika pakarepo nekukurumidza.

14 Zvino achazviputsa, sekuputswa kwehari yevaumbi inoputsanyiwa; haangaregi, kuti kusawanikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chekugokesa moto pachoto, kana kutekesa mvura patsime.

15 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha, Mutsvene waIsraeri: Pakudzoka nekuzorora muchaponeswa; pakunyarara nepakutenda pachava nesimba renyu; asi hamuna kuda.

16 Zvino makati: Kwete, nokuti tichatiza nebhiza; naizvozvo muchatiza; uye: Tichatasva anomhanyisa; naizvozvo vadzingiriri venyu vachamhanyisa.

17 Churu chimwe chichatiza pakutsiura kweumwe; pakutsiura kwevashanu muchatiza; kusvika masiiwa sedanda pamusoro wegomo, uye semureza pamusoro pechikomo.

18 Naizvozvowo Jehovha achamirira kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvowo achakudzwa kuti ave nenyasha nemwi; nokuti Jehovha ndiMwari wemutongo; vakaropafadzwa vose vanomumirira.

19 Nokuti vanhu vachagara paZiyoni paJerusarema; hamungazochemizve misodzi; achakunzwirai nyasha kwazvo painzwi rekuchema kwenyu; paacharinzwa achakupindurai.

20 Zvino Ishe achakupai chingwa chenhamo nemvura yekutambudzika; zvakadaro vadzidzisi venyu havangabvisirwizve mukona, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu.

21 Zvino nzeve dzako dzichanzwa inzwi shure kwako richiti: Iyi ndiyo nzira, fambai nayo! Pamunotsaukira kurudyi, nepamunotsaukira kuruboshwe.

22 Zvino muchasvibisa chifukidzo chezvifananidzo zvenyu zvakavezwa zvesirivha, neefodhi yezvifananidzo zvenyu zvakaumbwa nekunyungudusa zvegoridhe; muchazviparadzira semucheka wemukadzi ari kumwedzi; uchati kwazviri: Buda!

23 Ipapo achapa mvura yembeu yenyu, yamuchadyara muvhu, nechingwa chegoho revhu, uye zvichava zvakakora uye zvakawanda. Nezuva iro zvipfuwo zvenyu zvichadya pamafuro makuru.

24 Zvino nzombe nembongoro diki zvinorima ivhu zvichadya zvekudya zvakarungwa, zvakarudzwa nefoshoro nemusero.

25 Nepamusoro pegomo rimwe nerimwe rakareba nepamusoro pechikomo chimwe nechimwe chakakwirira pachava nenzizi nehova dzemvura pazuva rekuurawa kukuru pachawa dzishongwe.

26 Zvino chiedza chemwedzi chichava sechiedza chezuva, uye chiedza chezuva chichapetwa kanomwe sechiedza chemazuva manomwe, nezuva raJehovha rekusunga pakakuvara pevanhu vake, paanoporesa shamhu yevanga ravo.

Jehovha achakunda vaAsiriya

27 Tarirai, zita raJehovha rinobva kure, richipisa hasha dzaro, uye mutoro unorema; miromo yake yakazara nehasha, nerurimi rwake semoto unopedza;

28 nekufema kwake serwizi rwunofashamira kusvika pakati pemutsipa, kuzungura marudzi nechizunguro chezvisina maturo; uye kuchava netomu rekutsausa pamatadza evanhu.

29 Muchava nerwiyo, sepausiku hwekuyereswa kwemutambo, nemufaro wemoyo seanofamba nenyere, kuenda kugomo raJehovha, kudombo raIsraeri.

30 Jehovha achanzwisa inzwi rake reukuru, acharatidza kuburuka kweruoko rwake, nekutsamwa kwehasha, nemurazvo wemoto unopedza, chamupupuri, nemvura ine mhepo, nechimvuramabwe.

31 Nokuti neinzwi raJehovha muAsiriya achaputsanyiwa; acharova neshamhu.

32 Uye pose panopfuura tsvimbo yakatarwa, Jehovha yaakaisa pamusoro pake, kuchava nengoma uye nembira; uye nehondo dzekuzungunusa acharwa navo.

33 Nokuti Tofeti rakagadzwa kare, zvirokwazvo iro rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nekurifarikanisa; dutu rayo moto nehuni zhinji; kufema kwaJehovha kunoitungidza serwizi rwesarufa.