ShonaTeam Isaiah « 29 »

Shoko raJehovha pamusoro peJerusarema

29Nhamo kuArieri, Arieri guta Dhavhidhi maakamisa mariri musasa! Wedzerai gore negore; mitambo ngaipoteredze.

2 Zvino ndichamanikidza Arieri; zvino kuchava nekuungudza nekuchema; uye zvichava kwandiri seArieri.

3 Zvino ndichakudzikira misasa mativi ako ose, uye ndichakukomba nerumhanda, uye ndichakumutsira dzinhare.

4 Zvino uchaderedzwa, uchataura uri muvhu, uye nhauro yako ichava pasi kubva muguruva, uye inzwi rako richava seresvikiro rinobva muvhu, uye nhauro yako ichatsvitsvirika kubva muguruva.

5 Zvino chaunga chevatorwa vako chichava seguruva rakatsetseka, nechaunga chevanotyisa sehundi inopfuura; zvirokwazvo zvichaitika kamwe-kamwe pakarepo.

6 Uchashanyirwa naJehovha wehondo nemutinhiro, uye nekudengenyeka kwenyika, neruzha rukuru, chamupupuri, nedutu guru, nemurazvo wemoto unopedza.

7 Zvino sechiroto, chiratidzo cheusiku, ndizvo zvichaita chaunga chemarudzi ose anorwa neArieri, nevose vanorirwisa nenhare dzaro, neavo vanorimanikidza.

8 Uye zvichava seapo ane nzara achirota, zvino tarira anodya, asi anomuka, asi mweya weupenyu wake hauna chinhu; kana seapo ane nyota achirota, zvino tarira anonwa, asi anomuka, zvino tarira, anoziya, uye mweya wake unoshuva; ndizvo zvichaita chaunga chemarudzi ose anorwa negomo reZiyoni.

9 Mirai mushamiswe! Zvifadzei, mupofumare! Vanodhakwa, asi kwete newaini. Vanodzedzereka, asi kwete nezvinodhaka.

10 Nokuti Jehovha wakadurura pamusoro penyu mweya wehope dzinorema, uye wakadzivira meso enyu; vaporofita, nevakuru venyu, vaoni, wakavafukidza.

11 Zvino chiratidzo chose chiri kwamuri semashoko ebhuku rakavharwa nechidhindo, kuti vape kumuzivi webhuku, vachiti: Verenga izvi hako; asi achati: Handigoni, nokuti rakavharwa nechidhindo.

12 Kana bhuku richapiwa kune asingazivi bhuku, vachiti: Verenga izvi hako; asi achati: Handizivi bhuku.

13 Zvino Ishe wakati: Nokuti vanhu ava vaswedera pedo nemuromo wavo, uye nemiromo yavo vandikudza, asi moyo wavo vaisa kure neni, nekunditya kwavo kudzidziswa nemurairo wevanhu;

14 naizvozvo tarirai, ndichaenderera kuita zvinoshamisa nevanhu ava, zvinoshamisa nechishamiso; uye uchenjeri hwevakachenjera vake huchaparara, nekunzwisisa kwevane njere vavo zvichavanda.

15 Nhamo kune vanodzika vachibva kuna Jehovha kuti vavanze zano, uye vemabasa avo ari murima; zvino vanoti: Ndiyani anotiona, uye ndiyani anotiziva?

16 Kupidigura kwenyu! Muumbi angaidzwa sevhu here, nokuti basa richati here kumuiti waro: Haana kundiita? Kana chakaumbwa chingati kumuumbi wacho here: Haanzwisisi?

17 Hachisi chinguva chidiki here kuti Rebhanoni rishandurwe kuva munda unobereka, uye munda unobereka uverengwe sesango?

18 Zvino nezuva iro vematsi vachanzwa mashoko ebhuku, uye meso emapofu achaona nepakasvibirira uye kubva parima.

19 Vanyoro vachawedzerawo mufaro muna Jehovha, nevarombo vevanhu vachafarisisa muMutsvene waIsraeri.

20 Nokuti anotyisa waguma, uye munyombi wapedzwa, uye vose vakarindira chakaipa vagurwa;

21 vanoita munhu atadze neshoko, uye vamuisire musungo anotsiura pasuwo, nekusundira parutivi wakarurama nekushaya chinhu.

22 Saka ndizvo zvinoreva Jehovha wakadzikinura Abhurahama pamusoro peimba yaJakove: Ikozvino Jakove haanganyadziswi, uye ikozvino chiso chake hachingacheneruki.

23 Nokuti pakuona vana vake, basa remaoko angu pakati pake, vakaita zita rangu dzvene, uye vachaita Mutsvene waJakove mutsvene, uye vachatya Mwari waIsraeri.

24 Nevanorasika pamweya vachaziva kunzwisisa, nevagunun'uni vachadzidza dzidziso.