ShonaTeam Isaiah « 27 »

Kudzoswa kwevaIsraeri naJehovha

27Nezuva iro Jehovha acharanga nemunondo wake mukukutu uye mukuru uye une simba revhiyatani, nyoka inokurumidza, hongu, revhiyatani, nyoka yakagonyana; ichauraya bukanana riri mugungwa.

2 Nezuva iro imbai pamusoro pemunda wemizambiringa wewaini tsvuku!

3 Ini Jehovha ndiri muchengeti wawo; nguva imwe neimwe ndinoudiridza; zvimwe umwe autadzire, siku nesikati ndinouchengeta.

4 Hasha hadzimo mandiri. Ndiyani achandipa rukato, munzwa pahondo! Ndaiita nharu ndipfuurire mazviri, ndizvipise pamwe chete.

5 Kana kuti abatirire pasimba rangu, aite rugare neni; achaita rugare neni.

6 Achaita vanobva kwaJakove vamere midzi; Israeri achatunga maruva nekutumbuka; uye vachazadza chiso chenyika nezvibereko.

7 Wakamurova here sekurova kwemurovi wake? Wakaurawa here sekuurawa kwevakaurawa vake?

8 Pachiyero pakumudzinga achakakavadzana nayo; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yekumabvazuva.

9 Saka neizvi uipi hwaJakove hwakaripirwa; uye ichi chibereko chose, kubvisa chivi chake, pakumisa kwake mabwe ose earitari ave semabwe emunyaka akaputswa-putswa; matanda ekunamata nawo nemifananidzo yezuva hazvingamiri.

10 Nokuti guta rakashoshewa richava dongo, ugaro hwakaraswa, uye hwakasiiwa serenje; ndipo pachadya mhuru uye ndipo paicharara nekupedza matavi aro.

11 Matavi aro paanenge aoma achavhuniwa; vakadzi vachauya vachiavesa; nokuti havasi vanhu vanonzwisisa; naizvozvo muiti wavo haangavanzwiri tsitsi; newakavaumba haangavi nenyasha kwavari.

12 Zvino zvichaitika nezuva iro, Jehovha achapura kubva parukova rwerwizi kusvika parwizi rweEgipita. Zvino imwi muchaunganidzwa umwe neumwe, vana vaIsraeri.

13 Zvino zvichaitika nezuva iro, kucharidzwa hwamanda huru; uye vakaparara munyika yeAsiriya nevakadzingirwa munyika yeEgipita vachauya ndokunamata Jehovha mugomo dzvene, muJerusarema.