ShonaTeam Isaiah « 9 »

Kuuya kwaMesiasi kunoporofitwa

9Asi rima haringavi sekumanikidzwa kwaro, sepanguva dzekutanga wakarerusira nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi pashure wakarwadzisa kwazvo nenzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni.

2 Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vagari munyika yemumvuri werufu, chiedza chakapenyera pamusoro pavo.

3 Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu semufaro wepakukohwa, sezvavanofara pavanogovana zvakapambiwa.

4 Nokuti makavhuna joko remutoro wavo, nemudonzvo wefudzi ravo, shamhu yemumanikidzi wavo, sepazuva raMidhiani.

5 Nokuti shangu imwe neimwe yemurwi iri pakututuma, nenguvo dzakanyikwa muropa, uye zvichava sekupiswa, zvive huni dzemoto.

6 Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; uye umambo huchava pafudzi rake; uye zita rake richanzi: Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vekusingaperi, Muchinda werugare.

7 Kukura kweumambo nerugare hazvina mugumo, pamusoro pechigaro cheushe chaDhavhidhi nepamusoro peushe hwake, kuhusimbisa nekuhutsigisa nemutongo uye nekururama, kubva ikozvino kusvika rinhi narinhi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.

Jehovha anotsamwira Israeri

8 Ishe wakatuma shoko kuna Jakove, zvino rikawira kwaIsraeri.

9 Zvino vanhu vose vachaziva, Efuremu, nevagari veSamariya, nemanyawi nekuzvikudza kwemoyo vachiti:

10 Zvitinha zvawa, asi tichavaka nemabwe akavezwa; mionde yatemwa, asi tichashandurira kumisidhari.

11 Naizvozvo Jehovha achasimudza vamanikidzi vaRezini pamusoro pake, agosanganisa vavengi vake:

12 VaSiriya pamberi, nevaFirisitia mushure, zvino vachapedza Israeri nemuromo wose. Pane izvi zvose kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.

13 Nokuti vanhu havatendeukiri kune wakavarova, uye havatsvaki Jehovha wehondo.

14 Naizvozvo Jehovha achagura kubva kuna Israeri musoro nemuswe, davi nenhokwe, nezuva rimwe chete.

15 Mukuru newakagamuchirwa pachiso, iye musoro; asi muporofita anodzidzisa nhema, ndiye muswe.

16 Nokuti vatungamiriri vevanhu ava vanovatsaukisa; uye vanotungamirirwa navo vanomedzwa.

17 Naizvozvo Ishe haangafariri majaya avo, uye haangavi netsitsi nenherera nechirikadzi dzavo; nokuti umwe neumwe munyepedzeri nemuiti wezvakaipa, uye muromo umwe neumwe unotaura upenzi. Pane izvi zvose kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.

18 Nokuti uipi hwunopisa semoto, hunopedza rukato neminzwa, uye hwunotungidza matenhere esango, zvichizvikwidza kumusoro, kukwira kweutsi.

19 Kubudikidza nekutsamwa kwaJehovha wehondo nyika inosvibiridzwa, uye vanhu vachava sehuni dzemoto; hakuna munhu acharega hama yake.

20 Zvino achacheka kurudyi, asi achava nenzara; uye achadya kuruboshwe, asi haangaguti; umwe neumwe achadya nyama yeruoko rwake:

21 Manase Efuremu, naEfuremu Manase; pamwe chete vacharwisa Judha. Pane izvi zvose kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.