ShonaTeam Ecclesiastes « 12

12Rangarirawo Musiki wako pamazuva eujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, kana makore asvika, pauchazoti: Handina mufaro maari.

2 Zuva nechiedza nemwedzi nenyeredzi zvisati zvasvibiriswa, nemakore achidzoka pashure pemvura.

3 Pazuva vachengeti veimba pavachadedera, uye varume vesimba vachikotama; uye vakuyi vamira, nokuti vava vashoma; neavo vanotarira nepamahwindo vasvibirirwa;

4 nemikova yazarirwa kunzira yekumusha, neruzha rwekukuya rwaderera, uye achimuka neinzwi reshiri, nevakunda vose verwiyo vakotamiswa.

5 Zvino vachazotya icho chakakwirira, uye zvinotyisa panzira, uye muti wemuarimondi uchatumbuka, nemhashu ichazvikwekweredza, uye chishuwo chichapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake wekusingaperi, nevachemi vachafamba-famba panzira yemumusha.

6 Kusati kwabviswa rwonzi rwesirivha, nembiya yegoridhe isati yaputswa, uye chirongo chisati chaputswa pachitubu, uye ndirayi isati yadambuka patsime,

7 uye guruva rinodzokera kuvhu sezvaraiva rakaita; uye mweya unodzokera kuna Mwari wakaupa.

8 Kushaya maturo kwezvisina maturo, anoreva muparidzi, zvose hazvina maturo.

Itya Mwari uchengete mirairo yake

9 Pamusoro pazvowo nokuti muparidzi waiva akachenjera, waiva achiri kudzidzisa vanhu ruzivo, hongu wakadzamisa pfungwa, akatsvakisisa, akamisa zvakanaka zvirevo zvizhinji.

10 Muparidzi wakatsvaka kuwana mashoko anofadza; uye zvakanyorwa zvakarurama, mashoko echokwadi.

11 Mashoko evakachenjera akaita sezvibayiso uye sembambo dzakaroverwa dzikadzika, madzishe edziungano, akapiwa nemufudzi umwe chete.

12 Pamusoro peizvizve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita mabhuku mazhinji hakuna magumo, uye kudzidza kuzhinji kunonetesa nyama.

13 Magumo eshoko rose ranzwikwa ndirori: Itya Mwari, ugochengeta mirairo yake; nokuti izvi ifaniro yemunhu wose.

14 Nokuti Mwari achauisa basa rimwe nerimwe pamutongo, nechose chakavanzika, kana chakanaka, uye kana chakaipa.