ShonaTeam Proverbs « 22 »

22Zita rakanaka rinosarudzwa kupfuura fuma zhinji; nyasha dzakanaka kupfuura sirivha uye kupfuura goridhe.

2 Mufumi nemurombo vanosangana; Jehovha muiti wavo vose.

3 Wakangwara anoona chakaipa ndokuvanda; asi vasina ruzivo vanopfuura ndokurangwa.

4 Mubairo wekuzvininipisa nekutya Jehovha ifuma nerukudzo neupenyu.

5 Minzwa nemisungo zviri panzira yewakatsauka; uyo anochengeta mweya weupenyu wake achava kure nazvo.

6 Rovedza mwana panzira yaangafamba nayo; kunyange akura haangatsauki pairi.

7 Mufumi anotonga pamusoro pevarombo; uye mukwereti muranda kune anokweretesa.

8 Anodzvara kusarurama achacheka dambudziko; uye tsvimbo yekutsamwa kwake ichapera.

9 Ane ziso rine zvakanaka iye acharopafadzwa; nokuti anopa murombo pachingwa chake.

10 Dzinga museki, gakava richabudawo, nenharo nenyadzi zvichaguma.

11 Anoda kuchena kwemoyo, nyasha dzemiromo yake, shamwari yake ndimambo.

12 Meso aJehovha anochengeta ruzivo; asi achaparadza mashoko evasina kuvimbika.

13 Simbe inoti: Pane shumba panze; ndichaurawa pakati penzira dzemumusha.

14 Muromo wevakadzi vekumwe igomba rakadzika; anotsamwirwa naJehovha achawiramo.

15 Upenzi hwakasungirirwa pamoyo pemwana; shamhu yekuranga ichahuisa kure naye.

16 Anomanikidza murombo kuwedzera zvaanazvo, anopa mufumi, zvirokwazvo achava anoshaiwa.

17 Rereka nzeve yako, uye unzwe mashoko evakachenjera, uye umise moyo wako paruzivo rwangu.

18 Nokuti chinhu chakanaka, kana uchiachengeta mumuviri wako; achagadzirira pamwe pamiromo yako.

19 Kuti tariro yako ive kuna Jehovha, ndakuzivisa nhasi, kunyange iwe.

20 Handina kukunyorera zvinhu zvakanakisisa mumazano neruzivo here?

21 Kukuzivisa uchokwadi hwemashoko emazvirokwazvo, kuti udzosere mashoko echokwadi kune vanokutuma here?

22 Usapamba murombo nokuti murombo; uye usapwanya anotambudzika pasuwo.

23 Nokuti Jehovha achamiririra nyaya yavo, nekupamba mweya weupenyu wevapambi vavo.

24 Usashamwaridzana nemunhu anotsamwa; uye usafambidzana nemunhu ane hasha.

25 Zvimwe udzidze nzira dzake, ugogamuchira musungo kumweya weupenyu wako.

26 Usava pakati pevanorova maoko, pakati pevechibatiso chezvikwereti.

27 Kana usina chekuripisa, achagotorerei mubhedha wako pasi pako?

28 Usafuzhura muganhu wekare, madzibaba ako waakaita.

29 Unoona munhu nyanzvi pabasa rake here? Achazvimisa pamberi pemadzimambo; haazvimisi pamberi pevanhuwo zvavo.