ShonaTeam Proverbs « 17 »

17Chimedu chakaoma pamwe nerugare chiri nani paimba izere nezvibairo zvine gakava.

2 Muranda wakachenjera achatonga pamusoro pemwanakomana anonyadzisa; uye ave nemugove wenhaka pakati pevanakomana.

3 Hari yekunyausa ndeyesirivha, nechoto ndechegoridhe; asi Jehovha anonzvera moyo.

4 Muiti wezvakaipa anoteerera kumuromo wezvisina maturo; nhema dzinopa nzeve kururimi rwunoparadza.

5 Anoseka murombo anotuka Muiti wake; anofara panjodzi haashaiswi mhosva.

6 Vana vevana ikorona yevatana; uye rukudzo rwevana madzibaba avo.

7 Muromo weunyanzvi hauna kufanira benzi; zvikuru sei muromo wenhema kusafanira muchinda.

8 Chipo idombo rinokosha pameso evaridzi vacho; kupi nekupi kwarinotendeukira rinobudirira.

9 Anofukidza chitadzo anotsvaka rudo; asi anodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedo.

10 Kutsiura kunodzama kune anonzwisisa kupfuura kurova benzi kane kazana.

11 Wakaipa anongotsvaka kupanduka chete; asi nhume ine utsinye inotumirwa kwaari.

12 Bheya rafirwa nembwanana ngarisangane nemunhu; asi kwete benzi muupenzi hwaro.

13 Anoripira zvakaipa panzvimbo yezvakanaka, zvakaipa hazvibvi paimba yake.

14 Kuvamba kwegakava kwakafanana nekuvhurira mvura; naizvozvo rega nharo dzisati dzazvibudisa pachena.

15 Anoshaisa wakaipa mhosva uye anopa mhosva wakarurama, naivo vari vaviri chinyangadzo kuna Jehovha.

16 Sei kune mari yekutenga uchenjeri muruoko rwebenzi, zvarisina njere?

17 Shamwari inoda nguva dzose; uye hama inoberekerwa dambudziko.

18 Munhu anoshaiwa njere anosungana neruoko, kuva chibatiso pamberi pewekwake.

19 Anoda chitadzo anoda gakava; anokwiridzira suwo rake anotsvaka kuparadzwa.

20 Ane moyo wakatsauka haawani zvakanaka; uye wakatsauka parurimi rwake anowira mune zvakaipa.

21 Anobereka benzi richava chishungurudzo kwaari; hongu, baba vechituta havafari.

22 Moyo unofara unoita zvakanaka semushonga; asi mweya wakaputsika unoomesa pfupa.

23 Wakaipa anotora chipo pachipfuva kutsausa nzira dzemutongo.

24 Uchenjeri huri pamberi peane njere; asi meso ebenzi ari pamugumo wenyika.

25 Mwanakomana benzi marwadzo kuna baba vake, uye anovava kuna wakamubereka.

26 Uye kuranga wakarurama hakuna kunaka, nekurova machinda nekuda kwekururama.

27 Anoziva ruzivo anonyima mashoko ake; munhu anonzwisisa ane mweya wakagadzikana.

28 Kunyange benzi rinyerere rinonzi rakachenjera; anobumira miromo yake anonzi wakangwara.