ShonaTeam Proverbs « 9 »

9Uchenjeri ukuru hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.

2 Hwakabaya mhuka dzahwo; hwakavhenganisa waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo.

3 Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira panhongonya dzenzvimbo dzakakwirira dzeguta huchiti:

4 Ani nani asina ruzivo ngaatsaukire muno. Asina njere, hunoti kwaari:

5 Uyai mudye pachingwa changu, nekunwa pawaini yandakavhenganisa.

6 Regai vasina ruzivo mugorarama, uye mufambe munzira yekunzwisisa.

7 Anotsiura museki anozviwanira chinyadzo; nemutuki wewakaipa anozviwanira gwapa.

8 Rega kutsiura mutuki, zvimwe akuvenge; tsiura wakachenjera, zvino achakuda.

9 Ipa kune wakachenjera, zvino acharamba achichenjera; dzidzisa wakarurama, zvino achawedzera kudzidza.

10 Kutanga kweuchenjeri kutya Jehovha; uye ruzivo rwevatsvene kunzwisisa.

11 Nokuti neni mazuva ako achawanda, uye makore eupenyu achawedzera kwauri.

12 Kana wakachenjera, uchava wakazvichenjerera iwe; kana uri mutuki, uchazvitakura woga.

13 Mukadzi benzi ane ruzha, haana ruzivo, uye haazivi chinhu.

14 Zvino wakagara pamukova weimba yake, pachigaro cheushe panzvimbo dzakakwirira dzeguta,

15 kudana vanopfuura nenzira, vanofamba vakarurama nemakwara avo, achiti:

16 Ani nani asina ruzivo, ngaatendeukire kuno. Neanoshaiwa pfungwa, uti kwaari:

17 Mvura yabiwa inotapira, uye chingwa chechivande chinonaka.

18 Asi haazivi kuti vakafa vari ipapo. Vakakokwa vake vari munzvimbo dzakadzika dzegehena.