ShonaTeam Psalms « 148 »

Zvose zvakasikwa ngazvirumbidze Jehovha

148Hareruya! Rumbidzai Jehovha muri kumatenga; murumbidzei panzvimbo dzepamusoro.

2 Murumbidzei imwi vatumwa vake mose; murumbidzei imwi hondo dzake mose.

3 Murumbidzei imwi zuva nemwedzi; murumbidzei imwi nyeredzi dzose dzechiedza.

4 Murumbidzei imwi matenga ematenga, nemwi mvura dziri pamusoro pematenga.

5 Ngazvirumbidze zita raJehovha; nokuti iye wakaraira, izvo ndokusikwa.

6 Zvino wakavasimbisa kusvika rinhi narinhi; akapa chimiso chisingadariki.

7 Rumbidzai Jehovha muri panyika, imwi mabukanana, neudziku ukuru hwose,

8 moto, nechimvuramabwe, magada echando, neutsi hwemvura, chamupupuri chinoita inzwi rake,

9 makomo, nemikwidza yose, miti yemichero, nemisidhari yose,

10 mhuka dzesango, nezvipfuwo zvose, zvinhu zvinokambaira, neshiri dzinobhururuka,

11 madzimambo epanyika, nemarudzi ose, machinda, nevatongi vose vepanyika,

12 majaya, nevasikanawo, vatana, nevadiki.

13 Ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakwirira; umambo hwake huri pamusoro pepasi nepamatenga.

14 Zvino wakasimudzira runyanga rwevanhu vake, rumbidzo yevatsvene vake vose, pavana vaIsraeri, rudzi rwuri pedo naye. Rumbidza Jehovha!