ShonaTeam Psalms « 144 »

Kukunda nekubudirira zvinobva kuna Jehovha

Pisarema raDhavhidhi.

144Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, anodzidzisira maoko angu hondo, minwe yangu kurwa;

2 unyoro hwangu, nenhare yangu, shongwe yangu yakakwirira, nemununuri wangu kwandiri; nhovo yangu, uye iye wandinovimba naye; anoisa vanhu vangu pasi pangu.

3 Jehovha, munhu chii, kuti mumuzive? Mwanakomana wemunhu, kuti mumurangarire?

4 Munhu wakaita sechisina maturo; mazuva ake akaita semumvuri unopfuura.

5 Jehovha, rerekesai matenga enyu, uye burukai; gunzvai makomo, agopfungaira.

6 Penyesai mheni, mugovaparadzira; furai miseve yenyu, mugovavhundusa.

7 Tandavadzai ruoko rwenyu muri kumusoro; ndisunungurei, mugondinunura kubva pamvura zhinji, kubva paruoko rwevana vemutorwa.

8 Avo muromo wavo wakataura nhema; neruoko rwavo rwerudyi rwuri ruoko rwerudyi rwemanyepo.

9 Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; pamutengeranwa une hungiso gumi ndichakuimbirai rumbidzo.

10 Iye anopa madzimambo rununuro, anosunungura Dhavhidhi muranda wake kubva pamunondo unokuvadza.

11 Ndisunungurei, mugondinunura kubva paruoko rwevana vemutorwa, avo muromo wavo wakataura zvisina maturo, neruoko rwavo rwerudyi rwuri ruoko rwerudyi rwenhema.

12 Kuti vanakomana vedu vave sezvirimwa zvinokura paudiki hwazvo; vanasikana vedu semambwe ekona akavezwa, mufananidzo wemuzinda wamambo.

13 Matura edu azare achibudisa marudzi nemarudzi; makwai edu abereke zvuru, apamhidzire zvuru gumi kumafuro edu.

14 Nzombe dzedu dzitakudzwe; pasava nekupazira mukati, uye pasava nekubuda, uye hapangavi nemariro panzira dzedu dzemumisha.

15 Vanofara vanhu vane zvakadai; vanofara vanhu, Mwari wavo ari Jehovha.