ShonaTeam Psalms « 143 »

Munyengetero wekukumbira kununurwa nekunzverwa

Pisarema raDhavhidhi.

143Jehovha, inzwai munyengetero wangu; ipai nzeve kumikumbiro yangu; ndipindurei mukutendeka kwenyu mukururama kwenyu.

2 Regai kupinda pamutongo nemuranda wenyu. Nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.

3 Nokuti muvengi wakadzingirira mweya weupenyu wangu; wakatsikirira upenyu hwangu pasi; wakandigarisa panzvimbo dzine rima, sevaya vakafa kare.

4 Naizvozvo mweya weupenyu wangu wapera simba mukati mangu; moyo wangu warukutika mukati mangu.

5 Ndinorangarira mazuva ekare; ndichifunganya pazviito zvenyu zvose; ndinofunga nebasa reruoko rwenyu.

6 Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri; mweya weupenyu wangu unoshuva imwi, senyika yakaomerwa. Sera.

7 Kurumidzai mundipindure, Jehovha; mweya wangu waziya; regai kundivanzira chiso chenyu; zvimwe ndive sevanoburukira kugomba.

8 Ndinzwisei rudo rweunyoro hwenyu mangwanani; nokuti ndinovimba mamuri; ndizivisei nzira yandingafamba nayo; nokuti ndinosimudzira mweya weupenyu wangu kwamuri.

9 Ndinunurei pavavengi vangu, Jehovha; ndinozvivanza mamuri.

10 Ndidzidzisei kuita chido chenyu; nokuti imwi muri Mwari wangu; Mweya weupenyu wenyu wakanaka; nditungamirirei munyika yekururama.

11 Nekuda kwezita renyu, Jehovha, ndiraramisei. Mukururama kwenyu budisai mweya weupenyu wangu pakutambudzika.

12 Zvino mutsitsi dzenyu pedzai vavengi vangu, uye paradzai vadzivisi vemweya weupenyu wangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.