ShonaTeam Psalms « 138 »

Kuvonga Jehovha

Pisarema raDhavhidhi.

138Ndichakuvongai nemoyo wangu wose; ndichakuimbirai rumbidzo pamberi pevamwari.

2 Ndichanamata ndakatarira kutembere yenyu tsvene, nekurumbidza zita renyu nekuda kweunyoro hwenyu uye nekuda kwekutendeka kwenyu; nokuti makakurisa shoko renyu pamusoro pezita renyu rose.

3 Pazuva randakadana makandipindura, makandisimbisa nesimba pamweya weupenyu wangu.

4 Madzimambo ose enyika achakurumbidzai, Jehovha, nokuti vakanzwa mashoko emuromo wenyu.

5 Hongu, vachaimba nezvenzira dzaJehovha; nokuti kurumbidzwa kwaJehovha kukuru.

6 Nokuti Jehovha wakakwirira, zvakadaro anoona wakaderera; asi anozvikudza anomuziva ari kure.

7 Pandinofamba pakati pedambudziko, muchandiraramisa; munotuma ruoko rwenyu kurwisa hasha dzevavengi vangu, uye ruoko rwenyu rwerudyi rwuchandiponesa.

8 Jehovha achakwanisira zviri maererano neni. Tsitsi dzenyu, Jehovha, dzinogara kusvika rinhi narinhi. Musasiya mabasa emaoko enyu.