ShonaTeam Psalms « 132 »

Chivimbiso chaDhavhidhi nechivimbiso chaJehovha

Rwiyo rwekukwira.

132Jehovha, rangarirai Dhavhidhi, matambudziko ake ose.

2 Kuti wakapika kuna Jehovha, wakavimbisa kuna Wemasimbaose waJakove, achiti:

3 Zvirokwazvo handingapindi mutende reimba yangu, zvirokwazvo handingakwiri pamubhedha wenhovo yangu.

4 Zvirokwazvo handingapi meso angu hope kana kukotsira kuzvivharo zvemeso angu.

5 Kusvika ndawanira Jehovha nzvimbo, nzvimbo dzekugara dzeWemasimbaose waJakove.

6 Tarirai, takazvinzwa muEfurati; takazviwana muminda yesango reJaari.

7 Tichapinda mutabhenakeri dzake; tichashumira pachitsiko chetsoka dzake.

8 Simukai Jehovha, muende pakuzorora kwenyu; imwi neareka yesimba renyu.

9 Vapristi venyu ngavapfekedzwe kururama; uye vatsvene venyu ngavapururudze.

10 Nekuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, regai kufuratira chiso chemuzodzwa wenyu.

11 Jehovha wakapika chokwadi kuna Dhavhidhi; haangadzokeri shure pachiri, achiti: Kubva pachibereko chedumbu rako ndichaisa pachigaro chako cheushe.

12 Kana vana vako vachichengetedza sungano yangu nezvipupuro zvangu zvandinovadzidzisa, vana vavowo vachagara pachigaro chako cheushe kusvika rinhi narinhi.

13 Nokuti Jehovha wakasanangura Ziyoni; akarishuva kuti huve ugaro hwake.

14 Uhwu ndihwo ugaro hwangu hwekuzorora kusvika rinhi narinhi. Pano ndichagara nokuti ndakapashuva.

15 Ndicharopafadza kwazvo zvekudya zvaro; ndichagutisa varombo varo nechingwa.

16 Ndichapfekedzawo vapristi varo neruponeso; uye vatsvene varo vachapururudza kwazvo.

17 Ipapo ndichatungisa runyanga rwaDhavhidhi; ndigogadzira muzodzwa wangu mwenje.

18 Vavengi vake ndichavapfekedza nyadzi; asi korona yake ichapenya pamusoro pake.