ShonaTeam Psalms « 125 »

Jehovha anochengetedza vanhu vake

Rwiyo rwekukwira.

125Vanovimba naJehovha vakaita segomo reZiyoni, risingazununguki, rimire kusvika nekusingaperi.

2 Makomo akapoteredza Jerusarema; saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva ikozvino uye kusvika rinhi narinhi.

3 Nokuti tsvimbo yeushe yeuipi haingagari pamugove wevakarurama; kuti vakarurama vasatambunudzira maoko avo kuuipi.

4 Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, nekune vakarurama pamoyo yavo.

5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavafambisa nevaiti vezvakaipa. Rugare rwuchava pamusoro paIsraeri!