ShonaTeam Psalms « 115 »

Jehovha woga ngaarumbidzwe

115Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kuzita renyu ipai rumbidzo, nekuda kwetsitsi dzenyu, nekuda kwechokwadi chenyu.

2 Vahedheni vachareverei vachiti: Aripi zvino Mwari wavo?

3 Asi Mwari wedu ari kumatenga; wakaita chose chaakada.

4 Zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, basa remaoko emunhu.

5 Zvine muromo, asi hazvitauri; meso zvinawo, asi hazvioni.

6 Zvine nzeve, asi hazvinzwi; mhino zvinadzo, asi hazvinhuhwidzi;

7nemaoko azvo, asi hazvibati; nemakumbo azvo, asi hazvifambi; hazvitauri nepahuro pazvo.

8 Vanozviita vachafanana nazvo; vose vanovimba nazvo.

9 Iwe Israeri, vimba naJehovha; ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.

10 Imba yaAroni, vimba naJehovha; ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.

11 Imwi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.

12 Jehovha wakatirangarira; acharopafadza; acharopafadza imba yaIsraeri; acharopafadza imba yaAroni.

13 Acharopafadza vanotya Jehovha, vadiki pamwe nevakuru.

14 Jehovha achakuwanzai, imwi nevana venyu.

15 Imwi makaropafadzwa naJehovha, iye wakaita matenga nepasi.

16 Matenga, matenga ndeaJehovha; asi pasi wakapa kuvanakomana vevanhu.

17 Vakafa havarumbidzi Jehovha, uye kwete ani nani anoburukira kwakanyarara.

18 Asi isu tichakudza Jehovha kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!