ShonaTeam Psalms « 105 »

Jehovha anorumbidzwa nekuda kwezvose zvaakaitira Israeri

105Vongai Jehovha; mudane zita rake; zivisai zviito zvake pakati pemarudzi.

2 Muimbirei; mumuimbire rumbidzo; mutaure zvezviito zvake zvose zvinoshamisa.

3 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yevanotsvaka Jehovha ngaifare.

4 Tsvakai Jehovha uye simba rake; rondai chiso chake rinhi narinhi.

5 Rangarirai mabasa ake anoshamisa aakaita, zvishamiso zvake, nemitongo yemuromo wake;

6 imwi mbeu yaAbhurahama muranda wake, imwi vana vaJakove, vasanangurwa vake.

7 Iye ndiJehovha Mwari wedu; mitongo yake iri panyika yose.

8 Wakarangarira sungano yake nekusingaperi, shoko raakaraira kumarudzi ane churu,

9 yaakaita naAbhurahama, nemhiko yake kuna Isaka,

10 akazvisimbisa kuna Jakove kuva murau, kuna Israeri, sungano isingaperi;

11 achiti: Ndichapa kwauri nyika yeKenani, mugove wenhaka yenyu.

12 Pavaiva vashoma pauwandu, hongu vari vashoma, uye vari vatorwa mairi.

13 Zvino vakambeya kubva parudzi kuenda parudzi, kubva kuushe kuenda kune vamwe vanhu.

14 Haana kutendera munhu kuvamanikidza; uye wakatsiura madzimambo nekuda kwavo;

15achiti: Musabata vazodzwa vangu, uye musatadzira vaporofita vangu.

16 Wakadana nzara pamusoro penyika; akavhuna mudonzvo wose wechingwa.

17 Wakatuma murume pamberi pavo; Josefa wakatengeswa kuva muranda.

18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo; mweya weupenyu wake wakasvika mumatare.

19 Kusvika panguva yekusvika kweshoko rake, inzwi raJehovha rakamuedza.

20 Mambo wakatuma ndokumusunungura; mutongi wevanhu ndokumusudzunura.

21 Wakamuita ishe weimba yake, nemutongi wefuma yake yose,

22 kusunga machinda ake pachido chake, nekudzidzisa vakuru vake uchenjeri.

23 Israeri wakasvikawo muEgipita, naJakove wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.

24 Zvino wakawanza vanhu vake kwazvo, nekuvaita vasimbe kupfuura vavengi vavo.

25 Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, kuti vabate varanda vake neunyengeri.

26 Wakatuma Mozisi muranda wake, Aroni waaiva asarudza.

27 Vakaisa pakati pavo nyaya dzezviratidzo zvake, nezvishamiso panyika yaHamu.

28 Wakatuma rima, akaita rive rima; uye havana kumukira shoko rake.

29 Wakashandura mvura yavo kuva ropa, ndokuuraya hove dzavo.

30 Nyika yavo yakafararira nematacha, mumakamuri emadzimambo avo.

31 Wakataura, zvino kukauya mapupira enhunzi, inda pamiganhu yavo yose.

32 Wakapa mvura yavo chimvuramabwe, moto wemavira munyika yavo.

33 Wakarovawo muzambiringa wavo nemuonde wavo; ndokuvhuna miti yemuganhu wavo.

34 Wakataura, mhashu ndokuuya negwatakwata, dzisingaverengeki;

35 ndokudya miriwo yose munyika yavo, nekudya zvibereko zvevhu ravo.

36 Wakarovawo dangwe rimwe nerimwe munyika yavo, chibereko chekutanga chesimba ravo rose.

37 Zvino wakavabudisa vane sirivha negoridhe; uye kwaiva kusina wakatatarika pakati pemarudzi avo.

38 Egipita yakafara pakubuda kwavo, nokuti kuvatya kwaiva kwawira pamusoro pavo.

39 Wakatatamura gore kuva chifukidzo, nemoto kuvhenekera usiku.

40 Vakakumbira, akauisa zvihuta, ndokuvagutisa nechingwa chekudenga.

41 Wakazarura dombo, mvura zhinji ndokudzutuka; ikafamba panzvimbo yakaoma, kuita rukova.

42 Nokuti wakarangarira chivimbiso chake chitsvene, muranda wake Abhurahama.

43 Zvino wakabudisa vanhu vake nemufaro, vasanangurwa vake nekuimba.

44 Ndokuvapa nyika dzevahedheni; zvino vakagara nhaka yebasa revanhu.

45 Kuti vacherekedze zvimiso zvake, uye vachengete mirau yake. Hareruya.