ShonaTeam Psalms « 103 »

Rumbidzai Jehovha nekuda kwetsitsi dzake

Pisarema raDhavhidhi.

103Rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu; nezvose zviri mukati mangu zvirumbidze zita rake dzvene.

2 Rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu, usakanganwa mibairo yake yose.

3 Anokanganwira zvitadzo zvako zvese; anoporesa zvirwere zvako zvose.

4 Anodzikinura upenyu hwako kubva pakuparadzwa; anokushongedza korona yengoni netsitsi zhinji.

5 Anogutisa muromo wako nezvakanaka; kuti udiki hwako huvandudzwe segondo.

6 Jehovha anoitira vose vanomanikidzwa kururama kukuru nemitongo.

7 Akazivisa Mozisi nzira dzake, nevana vaIsraeri zviito zvake.

8 Jehovha ane tsitsi uye ane nyasha, anononoka kutsamwa, uye akazara nekunaka.

9 Haangarambi achipikisa; haangachengeti kutsamwa kusvika rinhi narinhi.

10 Haana kutibata zvinoenderana nezvivi zvedu, uye haana kutitsiva zvinoenderana nezvitadzo zvedu.

11 Nokuti sekukwirira kwematenga pamusoro penyika, dzakasimba tsitsi dzake kune vanomutya.

12 Sekuva kure kwemabvazuva nemavirira, wakabvisira kure nesu zvitadzo zvedu.

13 Sababa vachinzwira tsitsi vana, Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.

14 Nokuti iye anoziva kuumbwa kwedu, anorangarira kuti tiri guruva.

15 Munhu, mazuva ake akaita seuswa; seruva resango, saizvozvo anobarika.

16 Nokuti mhepo inopfuura pamusoro paro, zvino harichipo; nenzvimbo yaro haicharizivi.

17 Asi tsitsi dzaJehovha dzinobva pakusingaperi kusvika pakusingaperi pamusoro pevanomutya, nekururama kwake kusvika kuvana vevana,

18 kune vanochengeta sungano yake, nekune vanorangarira mirau yake kuiita.

19 Jehovha wakasimbisa chigaro chake cheushe kumatenga; neumambo hwake hunotonga pamusoro pezvose.

20 Rumbidzai Jehovha, imwi vatumwa vake, mhare dzine simba, munoita shoko rake, kuteerera inzwi reshoko rake.

21 Rumbidzai Jehovha, hondo dzake dzose, vashumiri vake, vanoita chido chake.

22 Rumbidzai Jehovha, imwi mabasa ake ose, panzvimbo dzose dzeumambo hwake; rumbidza Jehovha, mweya weupenyu wangu!