ShonaTeam Psalms « 92 »

Rwiyo rwekurumbidza Jehovha

Pisarema, rwiyo rwezuva resabata.

92Zvakanaka kuvonga Jehovha, nekuimbira zita renyu rumbidzo, imwi Wekumusoro-soro.

2 Kuparidza rudo rweunyoro hwenyu mangwanani, nekutendeka kwenyu usiku hwose.

3 Pachiridzwa chehungiso gumi, nepamutengeranwa, nembira inorira zvakanaka.

4 Nokuti imwi Jehovha, makandifadza nebasa renyu; ndichaimba maererano nemabasa emaoko enyu.

5 Jehovha, akakura sei mabasa enyu! Ndangariro dzenyu dzakadzika kwazvo.

6 Chituta hachizivi; nebenzi harinzwisisi izvi.

7 Kana vakaipa vachimera seuswa, uye vaiti vose vezvakaipa vachitunga; kuti vaparadzwe nekusingaperi.

8 Asi imwi Jehovha makakwirira kusvika rinhi narinhi.

9 Nokuti tarirai, vavengi venyu, Jehovha, nokuti tarirai, vavengi venyu vachaparara; vose vaiti vezvakaipa vachaparadzirwa.

10 Asi muchasimudza runyanga rwangu serwenyati; ndakazodzwa nemafuta matsva.

11 Ziso ranguwo richaona chishuwo changu pavavengi vangu, nzeve dzangu dzichanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa vakandimukira.

12 Wakarurama achatunga semuchindwe; achakura semusidhari paRebhanoni.

13 Vakasimwa mumba maJehovha, vachatunga muvazhe dzaMwari wedu.

14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura; vachava vakakora nevatsva;

15 kuparidza kuti Jehovha wakarurama; idombo rangu, uye hakuna kusarurama kwaari.