ShonaTeam Psalms « 80 »

Munyengetero wekubatsirwa kwaIsraeri

Kumutungamiriri wekuimba. NeShoshanimi-Eduti. Pisarema raAsafi.

80Ipai nzeve, mufudzi waIsraeri, imwi munotungamirira Josefa seboka, mugere pamakerubhi*, penyai!

2 Mutsai simba renyu pamberi paEfuremu naBhenjamini naManase, muuye kuva ruponeso rwedu.

3 Tidzoserei, Mwari, uye penyesai chiso chenyu, zvino tichaponeswa.

4 Jehovha, Mwari wedzihondo, kusvika rinhi makatsamwira munyengetero wevanhu venyu?

5 Makavadyisa chingwa chemisodzi, nekuvanwisa misodzi nechiyero.

6 Makatiita gakava kuvavakidzani vedu, uye vavengi vedu vanoseka pakati pavo.

7 Tidzoserei, Mwari wedzihondo, uye penyesai chiso chenyu, zvino tichaponeswa.

8 Makaunza muzambiringa kubva muEgipita, makadzinga vahedheni, ndokuusima.

9 Makagadzirira pamberi pawo, nekudzikisa midzi yawo, kusvika wazara nyika.

10 Makomo akafukidzwa nemumvuri wawo, nematavi awo, misidhari yaMwari.

11 Wakatandisira matavi awo kugungwa, nemabukira awo kusvika kurwizi.

12 Makaputsirei masvingo awo, kuti vose vanopfuura nenzira vautanhe?

13 Nguruve yesango inouparadza, nemhuka yesango inoufura.

14 Mwari wehondo, dzokai henyu, mutarise pasi muri kumatenga, zvino muone, mugocherekedza muzambiringa uyu.

15 Uye mudzi ruoko rwako rwerudyi warwakasima, nedavi ramakazvisimbisira.

16 Wapiswa nemoto, watemerwa pasi; vanoparara nekutsiura kwechiso chenyu.

17 Ruoko rwenyu ngarwuve pamusoro pemunhu weruoko rwenyu rwerudyi, pamusoro pemwanakomana wemunhu, wamakazvisimbisira.

18 Naizvozvo hatingadzoki kubva kwamuri; tivandudzei, ipapo tichadana nezita renyu.

19 Jehovha, Mwari wehondo; tidzorei, penyesai chiso chenyu, zvino tichaponeswa.