ShonaTeam Psalms « 79 »

Kukumbira Mwari kuti abatsire vanhu vake

Pisarema raAsafi.

79Mwari, vahedheni vapinda panhaka yenyu; vakasvibisa tembere yenyu tsvene; Jerusarema vakariita rive mirwi.

2 Zvitunha zvevaranda venyu vakapa shiri dzematenga kuva zvekudya, nyama yevatsvene venyu kuzvikara zvenyika.

3 Vakateura ropa ravo semvura mativi ose paJerusarema; uye hapana kuva neanoviga.

4 Tava chinyadzo kuvavakidzani vedu, chiseko nechizvidzwa kune vakatipoteredza.

5 Kusvika rinhi, Jehovha? Muchatsamwa nekusingaperi here? Godo renyu richapfuta semoto here?

6 Dururai hasha dzenyu pamusoro pevahedheni vasingakuziviyi, nepamusoro peushe uzhinji husingadani zita renyu.

7 Nokuti vakadya Jakove, neugaro hwake vakahuita dongo.

8 Musarangarira zvivi zvekare kutirwisa; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya pamberi pedu, nokuti takaneta kwazvo.

9 Tibatsirei, Mwari weruponeso rwedu, nekuda kwekukudzwa kwezita renyu; uye tinunurei nekuripira zvivi zvedu nekuda kwezita renyu.

10 Sei vahedheni vachiti: Mwari wavo aripi? Ngaazikanwe pakati pevahedheni pamberi pemeso edu, tsivo yeropa revaranda venyu rakateurwa.

11 Kugomera kwemusungwa ngakuuye pamberi penyu; zvichienderana neukuru hweruoko renyu muchengetedze vana verufu.

12 Uye mutsivire vavakidzani vedu kanomwe pachipfuva chavo, kushora kwavo kwavakakushorai nako, Ishe.

13 Naizvozvo isu, vanhu venyu, nemakwai emafuro enyu, tichakuvongai nekusingaperi; ticharondedzera kurumbidzwa kwenyu kuzera nezera.