ShonaTeam Psalms « 78 »

Rangarirai zvamakaitirwa

Masikiri yaAsafi.

78Ipai nzeve, vanhu vangu, kumurau wangu; rerekerai nzeve yenyu kumashoko emuromo wangu.

2 Ndichashamisa muromo wangu nemufananidzo; ndichabudisa zvakavanzika zvekare,

3 zvatakanzwa nezvatinoziva, uye madzibaba edu akatirondedzera.

4 Hatingavanziri vana vavo, kuzera rinotevera, tichirondedzera rumbidzo dzaJehovha, nesimba rake, nezvishamiso zvake, zvaakaita.

5 Nokuti wakamisa chipupuro kwaJakove, ndokutema murau kwaIsraeri, waakaraira madzibaba edu, kuti vazivise vana vavo.

6 Kuti zera rinotevera rizive, vana vachazvarwa, vasimuke ndokurondedzera vana vavo.

7 Kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, uye vasakanganwa mabasa aMwari, asi vachengete mirau yake.

8 Uye vasava semadzibaba avo, zera risingateereri uye rinopanduka, zera risina kururamisa moyo waro, uye remweya waro usina kutendeka kuna Mwari.

9 Vana vaEfuremu, vakashonga zvombo, vafuri veuta, vakadzokera shure nezuva rehondo.

10 Havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba mumurau wake.

11 Zvino vakakanganwa zviito zvake nezvishamiso zvake zvaakavaratidza.

12 Wakaita chinhu chinoshamisa pamberi pemadzibaba avo, panyika yeEgipita, sango reZoani.

13 Wakapamura gungwa, ndokuvayambusa; uye akamisa mvura zhinji semurwi.

14 Masikatiwo wakavatungamirira negore, neusiku hwose nechiedza chemoto.

15 Wakapamura mabwe murenje, akavanwisa kwazvo sezvinobva paudziku ukuru.

16 Wakabudisawo hova kubva padombo, ndokuburusisa mvura zhinji senzizi.

17 Asi vakaendererazve kumutadzira kusvika pakumukira Wekumusoro-soro murenje.

18 Zvino vakaidza Mwari mumoyo wavo nekukumbira zvekudya zveruchiva rwavo.

19 Zvino vakataura vachipikisa Mwari vachiti: Mwari angagona kugadzira tafura murenje here?

20 Tarirai, wakarova dombo, mvura zhinji ndokuyerera, hongu, hova dzakapfachukira. Angagona kupawo chingwa here? Angagadzirira vanhu vake nyama here?

21 Naizvozvo Jehovha wakanzwa, ndokutsamwa; uye moto wakapfutidzirwa Jakove, uye kutsamwawo kwakamukira Israeri.

22 Nokuti havana kutenda Mwari, uye havana kuvimba neruponeso rwake.

23 Kunyange akaraira makore kubva kumusoro, ndokuzarura magonhi ematenga.

24 Zvino wakanaisa mana pamusoro pavo kuti vadye, wakavapa zviyo zvematenga.

25 Munhu akadya chingwa chevane simba; wakavatumira zvekudya kuti vagute.

26 Wakavhuvhutisa mhepo yemabvazuva kumatenga, uye nesimba rake wakafambisa mhepo yechamhembe.

27 Wakanaisawo nyama pamusoro pavo seguruva, neshiri dzine mapapiro sejecha regungwa.

28 Wakazviwisira pakati pemusasa wavo, kupoteredza nzvimbo dzavo dzekugara.

29 Zvino vakadya ndokuguta kwazvo, nokuti wakavavigira chishuvo chavo.

30 Havana kuparadzaniswa nechishuvo chavo, zvekudya zvavo zvichiri mumuromo mavo,

31 kutsamwa kwaMwari kwakavamukira, ndokuuraya pakati pevakakoresa vavo, ndokurova vasanangurwa kwaIsraeri.

32 Pane izvi zvose vakaramba vachitadza, uye havana kutenda nekuda kwezvishamiso zvake.

33 Naizvozvo wakapedza mazuva avo nezvisina maturo, nemakore avo pakuvhunduka.

34 Paakavauraya, vakamutsvaka, vakatendeuka, ndokutsvakisisa Mwari.

35 Zvino vakarangarira kuti Mwari idombo ravo, naMwari Wekumusoro-soro mudzikunuri wavo.

36 Asi vakamunyengedza nemuromo wavo, ndokumurevera nhema nerurimi rwavo.

37 Nokuti moyo wavo waiva usina kururama kwaari, uye usina kutendeka pasungano yake.

38 Asi iye, ari ane tsitsi, wakakanganwira uipi, uye haana kuparadza, hongu, nguva zhinji wakadzosa kutsamwa kwake, uye haana kumutsa kutsamwa kwake kose.

39 Nokuti wakarangarira kuti vaiva nyama, mhepo inopfuura uye isingadzoki.

40 Kazhinji sei vachimumukira murenje, vakamushungurudza mugwenga!

41 Hongu, vakadzoka vakaedza Mwari, vakashungurudza Mutsvene waIsraeri.

42 Havana kurangarira ruoko rwake, zuva raakavadzikinura pamuvengi.

43 Kuti wakamisa sei zviratidzo zvake paEgipita, nezvishamiso zvake pasango reZoani.

44 Uye wakashandura nzizi dzavo kuva ropa, nehova dzavo, kuti vasanwa.

45 Wakatuma pakati pavo mapupira enhunzi dzakavadya; nematacha akavaparadza.

46 Zvibereko zvavo wakazvipawo kumhunduru, nebasa ravo kumhashu.

47 Wakaparadza muzambiringa wavo nechimvuramabwe, nemionde yavo nechando chakachena.

48 Wakapawo zvipfuwo zvavo kuchimvuramabwe, nemapoka avo kumheni.

49 Wakatumira pakati pavo kutyisa kwehasha dzake, kutsamwa neshungu nekutambudzika, nekutuma vatumwa vezvakaipa zvizhinji.

50 Wakagadzirira hasha dzake nzira, haana kurega mweya wavo parufu, asi wakapa upenyu hwavo kuhosha.

51 Zvino wakarova dangwe rose muEgipita, chekutanga chesimba pamatende aHami.

52 Zvino wakabudisa vanhu vake semakwai, nekuvaperekedza murenje seboka.

53 Zvino wakavatungamirira vakachengetedzeka kuti vasatya; asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.

54 Zvino wakavasvitsa pamuganhu wenzvimbo yake tsvene, gomo iri, ruoko rwake rwerudyi zvarwakawana.

55 Wakadzingawo vechirudzi pamberi pavo, ndokugovera pakati pavo nhaka nemutaro, ndokugarisa marudzi aIsraeri mumatende avo.

56 Zvakadaro vakaedza, uye vakamukira Mwari Wekumusoro-soro, uye havana kuchengeta zvipupuriro zvake.

57 Asi vadzokera shure ndokuita nekusavimbika semadzibaba avo; vakatsauswa seuta hunonyengera.

58 Nokuti vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira, nekumumutsira godo nezvifananidzo zvavo zvakavezwa.

59 Mwari wakanzwa, wakatsamwa, ndokusema Israeri zvikuru,

60 zvekuti wakasiya tabhenakeri yeShiro, tende raakamisa pakati pevanhu.

61 Zvino wakapa simba rake kuutapwa, nekubwinya kwake kuruoko rwemuvengi.

62 Nekupa vanhu vake kumunondo; uye wakatsamwira nhaka yake.

63 Moto wakapedza majaya avo; uye mhandara dzavo hadzina kurumbidzwa.

64 Vapristi vavo vakawa nemunondo; uye chirikadzi dzavo hadzina kuchema.

65 Ipapo Ishe wakamuka semurari, seane masimba anodanidzira nekuda kwewaini.

66 Zvino wakarova vavengi vake necheshure; akavaisa chinyadzo nekusingaperi.

67 Wakarambawo tende raJosefa, uye haana kusanangura rudzi rwaEfuremu.

68 Asi wakasanangura rudzi rwaJudha, gomo reZiyoni raaida.

69 Zvino wakavaka nzvimbo yake tsvene sedzinhongonya, senyika yaakateya kusvika rinhi.

70 Wakasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, ndokumutora kubva kumatanga emakwai.

71 Kubva pakutevera matunzvi wakamuuisa kufudza Jakove vanhu vake, naIsraeri nhaka yake.

72 Naizvozvo wakavafudza zvichienderana neuchokwadi hwemoyo wake, ndokuvatungamirira neunyanzvi hwemaoko ake.