ShonaTeam Psalms « 77 »

Kusimbiswa kunobva pakurangarira mabasa ekare aMwari

Kumutungamiriri wekuimba. NeJedhutuni. Pisarema raAsafi.

77Inzwi rangu riri kuna Mwari, uye ndinochema; inzwi rangu riri kuna Mwari, iye ndokupa nzeve kwandiri.

2 Pazuva rekutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe. Ruoko rwangu rwaiva rwakatandavadzwa usiku, uye harwuna kuneta; mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.

3 Ndinorangarira Mwari, uye ndakavovora; ndinofungisisa, uye mweya weupenyu wangu wakaziya. Sera.

4 Makabata meso angu kuti asarara; ndakatambudzika, uye handina kutaura.

5 Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare-kare.

6 Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pausiku; ndinotaurirana nemoyo wangu; nemweya weupenyu wangu wakanzvera.

7 Ishe angarasa zvachose here? Uye haangavizve netsitsi zvekare here?

8 Rudo rweunyoro hwake rwaguma nekusingaperi here? Chivimbiso chapera kubva kuzera kusvika kuzera here?

9 Mwari wakanganwa kuva nenyasha here? Wakapfigira tsitsi dzake nekutsamwa here? Sera.

10 Zvino ndakati: Uhwu utera hwangu, makore eruoko rwerudyi rweWekumusoro-soro.

11 Ndicharangarira mabasa aJehovha; zvirokwazvo, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvekare.

12 Ndichafungisisawo zvebasa renyu rose, uye ndinotaura zvezviito zvenyu.

13 Mwari, nzira yenyu iri panzvimbo tsvene. Ndiani mwari mukuru saMwari?

14 Imwi muri Mwari anoita chishamiso; makazivisa simba renyu pakati pemarudzi.

15 Makadzikinura vanhu venyu neruoko rwenyu, vanakomana vaJakove naJosefa. Sera.

16 Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; mvura zhinji yakakuonai; yakatya; udziku ukuruwo hwakadedera.

17 Makore akadurura mvura; matenga akabudisa ruzha; miseve yenyuwo yakaenda uko neuko.

18 Inzwi remutinhiro wenyu riri muchamupupuri; mheni dzakavheneka nyika; pasi pakabvunda nekuzununguka.

19 Nzira yenyu iri mugungwa, negwara renyu riri mumvura zhinji zhinji, nenhanho dzenyu dzaiva dzisingazikanwi.

20 Makatungamirira vanhu venyu seboka remakwai neruoko rwaMozisi naAroni.