ShonaTeam Psalms « 64 »

Munyengetero wekukumbira kudzivirirwa pavavengi

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

64Inzwai inzwi rangu, Mwari, pachichemo changu; chengetedzai upenyu hwangu pakutya muvengi.

2 Ndivanzei pazano rakavanda revakaipa, pabope revaiti vezvakaipa,

3 vakarodza rurimi rwavo semunondo, vakashumba museve wavo, iro shoko rinovava,

4 kufura wakarurama vari panzvimbo dzakavanda; kamwe-kamwe vanomufura, uye vasingatyi.

5 Vanozvisimbisa panyaya yakaipa; vanorondedzera zvekuteya misungo pakavanda; vanoti: Ndiani angaiona?

6 Vanotsvakisisa zvitadzo; vanoti: Tagadzirira nezano rakavanzwa neunyengeri; mufungo wemunhu wechemukati pamwe nemoyo zvakadzika.

7 Asi Mwari achavafura nemuseve; mavanga avo achakurumidza.

8 Zvino vanogumbusa rurimi rwavo pamusoro pavo; vose vanovaona vachatiza.

9 Zvino vanhu vose vachatya; uye vachaparidza basa raMwari; uye kuita kwake vachicherekedza.

10 Wakarurama achafara muna Jehovha, uye achavimba naye; uye vose vakarurama pamoyo vachazvikudza.