ShonaTeam Psalms « 56 »

Kuvimba naMwari

Kumutungamiri wekuimba; neJonati-Eremi-Rekokimi. Mikitami yaDhavhidhi, vaFirisitia pavakamutora muGati.

56Ndinzwirei tsitsi, Mwari, nokuti munhu anondimedza; zuva rose achirwa anondimanikidza.

2 Vavengi vangu vanondimedza zuva rose; nokuti vanondirwisa nekuzvikudza vazhinji.

3 Zuva randinotya, ini ndichavimba nemwi.

4 Muna Mwari ndicharumbidza shoko rake; muna Mwari ndinovimba, handingatyi. Nyama ingandiitei?

5 Zuva rose vanoshonyorora mashoko angu; mifungo yavo yose inondirwisa nezvakaipa.

6 Vanoungana, vanovanda, vanochenjerera nhanho dzangu, kana vachirindira mweya weupenyu wangu.

7 Vachapukunyuka nezvakaipa here? Mukutsamwa wisirai vanhu pasi, Mwari.

8 Makaverenga kudzungaira kwangu; imwi isai misodzi yangu muhombodo yenyu; haimo murugwaro rwenyu here?

9 Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nezuva randinodana. Ndinoziva izvi kuti Mwari ari kwandiri.

10 Muna Mwari ndicharumbidza shoko; muna Jehovha ndicharumbidza shoko.

11 Muna Mwari ndinovimba; handingatyi; munhu angandiitei?

12 Mhiko dzenyu dziri pamusoro pangu, Mwari; ndichadzosa rumbidzo huru kwamuri.

13 Nokuti makanunura mweya weupenyu wangu kubva parufu, hongu, tsoka dzangu pakugumburwa; kuti ndifambe pamberi paMwari muchiedza chevapenyu.