ShonaTeam Psalms « 25 »

Munyengetero wekukumbira kutungamirirwa, kangamwiro nekuchengetedzwa

Pisarema raDhavhidhi.

25Kwamuri Jehovha, ndinosimudzira mweya weupenyu wangu.

2 Mwari wangu, ndinovimba nemwi, ngandirege kunyadziswa; vavengi vangu ngavarege kupemberera pamusoro pangu.

3 Hongu, kusanyadziswa umwe wevanokumirira; ngavanyadziswe vanodarika pasina chikonzero.

4 Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu.

5 Nditungamirirei muchokwadi yenyu, uye ndidzidzisei; nokuti imwi muri Mwari weruponeso rwangu; ndakakumirirai zuva rose.

6 Rangarirai, Jehovha, nyasha dzenyu neunyoro hwenyu, nokuti zvaivapo kubva rinhi narinhi.

7 Regai kurangarira zvivi zveudiki hwangu, nezvitadzo zvangu; zvichienderana nengoni dzenyu imwi mundirangarire, nekuda kwekunaka kwenyu, Jehovha.

8 Jehovha wakanaka uye wakarurama; naizvozvo achadzidzisa vatadzi panzira.

9 Achatungamirira vanyoro pamutongo, nekudzidzisa vanyoro nzira yake.

10 Nzira dzose dzaJehovha unyoro nechokwadi kune avo vanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.

11 Nekuda kwezita renyu, Jehovha, kanganwirai chitadzo changu, nokuti chikuru.

12 Ndeupi munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nenzira yaachasarudza.

13 Mweya weupenyu wake uchagara muzvakanaka; uye mbeu yake ichagara nhaka yenyika.

14 Zvakavanzika zvaJehovha ndezvevanomutya; nesungano yake kuizivisa kwavari.

15 Meso angu anorambira pana Jehovha, nokuti ndiye achabudisa tsoka dzangu pamumbure.

16 Tendeukirai kwandiri, mugondinzwira ngoni, nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.

17 Matambudziko emoyo wangu akura; ndibudisei panjodzi dzangu.

18 Tarisai dambudziko rangu, nekurwadziwa kwangu; uye kanganwirai zvivi zvangu zvose.

19 Tarisai vavengi vangu nokuti vakawanda; uye vanondivenga nehasha dzembengo.

20 Chengetai mweya weupenyu wangu, mundinunure; ngandirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemwi.

21 Uchokwadi nekururama ngazvindichengete, nokuti ndinokumirirai.

22 Mwari, dzikinurai Israeri kubva panjodzi dzake dzose.