ShonaTeam Psalms « 3 »

Munyengetero wekukumbira rubatsiro

Pisarema raDhavhidhi paakatiza kubva pana Abhusaromu mwanakomana wake.

3Jehovha, vakawanda sei vadzivisi vangu! Vazhinji vanondimukira.

2 Vazhinji vanoti pamusoro pemweya weupenyu wangu: Hakuna ruponeso kwaari kubva kuna Mwari. Sera.

3 Asi imwi Jehovha muri nhovo kwandiri, kudzo yangu, nemusimudzi wemusoro wangu.

4 Ndakadana kuna Jehovha neinzwi rangu; iye ndokundinzwa ari pagomo rake dzvene. Sera.

5 Ini ndakarara pasi ndokubatwa nehope; ndakamuka; nokuti Jehovha anonditsigira.

6 Handingatyi zvuru gumi zvevanhu vakazvimisa vakandikomberedza kundirwisa.

7 Simukai Jehovha, ndiponesei, Mwari wangu. Nokuti makarova vavengi vangu vose pashaya; makavhuna mazino evakaipa.

8 Ruponeso nderwaJehovha; ropafadzo yako iri pamusoro pevanhu vako. Sera.