ShonaTeam Job « 36 »

Erihu anoti Mwari anotuma miedzo kuti adzore munhu

36Zvino Erihu wakawedzera ndokuti:

2 Nditenderei zvishoma, zvino ndichakuratidzai kuti pachine mashoko ezvaMwari.

3 Ndichatora ruzivo rwangu kubva kure, uye ndichapa kururama kuMuiti wangu.

4 Nokuti zvirokwazvo mashoko angu haasi nhema; wakaperera pazivo anewe.

5 Tarirai, Mwari ane simba, uye haazvidzi; ane simba paumhare hweuchenjeri.

6 Haararamisi wakaipa, asi anopa varombo zvakarurama.

7 Haabvisi meso ake pane wakarurama, asi pamwe nemadzimambo pachigaro cheushe; hongu, anovagarisa nekusingaperi, uye vanokwiridzwa.

8 Uye kana vakasungwa muzvisungo, vakabatwa nemabote edambudziko,

9 zvino anovaratidza basa ravo, nezvitadzo zvavo, kuti zvaiva zvine simba.

10 Anozarurawo nzeve dzavo pakutsiurwa, nekuraira kuti vatendeuke kubva pazvakaipa.

11 Kana vakateerera ndokushumira, vanopedza mazuva avo mune zvakanaka, nemakore avo mumafaro.

12 Asi kana vasingateereri, vachapfuura nemunondo, uye vachapera vasina ruzivo.

13 Nevasingatyi Mwari mumoyo vanounganidza kutsamwa; havachemi paanovasunga.

14 Mweya weupenyu wavo uchafira paudiki, neupenyu hwavo pakati pengochani.

15 Anonunura anotambudzika pakutambudzika kwake, nekuzarura nzeve dzavo pakumanikidzwa.

16 Hongu, newe wakakukwezva kubva mumuromo wemanikidzo kuenda kunzvimbo yakafara, pasina manikidzo pairi, neiyo pamusoro petafura yako pachazara nemafuta.

17 Asi wakazadza mutongo wewakaipa; mutongo nekururamisa ngazvikubate.

18 Zvimwe akukwezvere pakudadira nekuda kwekutsamwa, neukuru hwedzikunuro hurege kukutsausa.

19 Achakoshesa fuma yako, kuti dai uri pamanikidzo nezvinosunda zvose zvesimba?

20 Usashuva usiku ihwu hwekubviswa kwevanhu panzvimbo yavo.

21 Chenjera, usatendeukira kuzvakaipa, nokuti wasarudza izvi pane kutambudzika.

22 Tarirai, Mwari anokwiridzirwa nesimba rake; ndiani anodzidzisa saiye?

23 Ndiani wakamumisira nzira yake? Kana ndiani angati: Wakaita chakaipa?

24 Rangarira kuti ukudze basa rake, vanhu ravanoimba.

25 Vanhu vose vanoriona; munhu anotarisa ari kure.

26 Tarirai, Mwari mukuru; asi hatizivi; neuwandu hwemakore ake hahunganzverwi.

27 Nokuti anokwiridza madonhedza emvura, achenese mvura yekunaya zvichienderana nemwando wayo;

28 makore aanodurura, anyorovese zvikuru pamusoro pemunhu.

29 Hongu, pane anonzwisisa here kupararira kwemakore, mitinhiro yedumba rake?

30 Tarira, anoradanura chiedza chake pamusoro pawo, nekufukidza midzi yegungwa.

31 Nokuti nadzo anotonga vanhu; anopa zvekudya neuwandu.

32 Nemaoko anodzitira chiedza, ndokuchiraira nerinouya pakati.

33 Mutinhiro wawo unodudzira zvawo, hongu, mombe pamusoro pezviri kukwira.