ShonaTeam Job « 33 »

Erihu anotsiura Jobho pakushora kwake Mwari

33Zvakadaro Jobho, donzwa hako nhaurwa dzangu, uye ipa nzeve kumashoko angu ose.

2 Tarirai ikozvino, ndashamisa muromo wangu; rurimi rwangu rwataura mumukanwa mangu.

3 Mashoko angu kururama kwemoyo wangu; uye miromo yangu ichataura ruzivo zvakajeka.

4 Mweya waMwari wakandiita, uye kufema kweWemasimbaose kunondipa upenyu.

5 Kana uchikwanisa, ndipindure, rongera pamberi pangu, usimuke.

6 Tarira, ndakaita sewe kuna Mwari; neni ndakaumbwa kubva pavhu.

7 Tarira, kutyisa kwangu hakungakutyisii, uye kutsikirira kwangu hakungaremi pamusoro pako.

8 Zvirokwazvo, makataura munzeve dzangu, uye ndakanzwa inzwi remashoko richiti:

9 Ndakashambidzika pasina chitadzo, ndakachena, uye hamuna chakaipa mandiri.

10 Tarirai, anowana mikana yekundirwisa, anondiverengera kuva muvengi wake.

11 Anoisa tsoka dzangu mumatanda; anocherechedza nzira dzangu dzose.

12 Tarira, pane izvi hauna kururama, ndichakupindura, nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.

13 Unondirwisirei? Nokuti haapinduri paipi neipi yenyaya dzake.

14 Nokuti Mwari anotaura kamwe, hongu, kaviri, pasina anozviona.

15 Muchiroto, chiono cheusiku, mukuwira muhope dzakadzama muvanhu, pakukotsira pamubhedha.

16 Ipapo anodziura nzeve yevanhu, ndokuiisira mucherechedzo kurairirwa kwavo;

17 kuti atsause munhu pakuita, nekuviga kuzvikudza kubva pamunhu.

18 Anochengetedza mweya weupenyu wake pagomba, neupenyu hwake pakupfuura nemunondo.

19 Anorangwawo nemarwadzo pamusoro pamubhedha wake, nekurwisa mumapfupa ake kunoenderera.

20 Kusvika upenyu hwake hwasema chingwa, nemweya weupenyu wake zvekudya zvinoshuvika.

21 Nyama yake inopedzwa kubva pakuonekwa, nemapfupa ake aiva asingaonekwi akaiswa pabani.

22 Hongu, mweya weupenyu wake uri pedo negomba, neupenyu hwake kuvaurayi.

23 Kana kune mutumwa pamwe naye, mududziri, umwe pakati pechuru, kuratidza kumunhu kururama kwake;

24 zvino achava nenyasha kwaari ndokuti: Mununurei pakuburukira mugomba; ndawana rudzikunuro.

25 Nyama yake ichava itsva kupfuura yemwana; achadzokera kumazuva eudiki hwake.

26 Anonyengetera kuna Mwari, uye iye achafarirwa kwaari, uye achaona chiso chake nemufaro, nokuti achadzosera kumunhu kururama kwake.

27 Anotarisa pamusoro pevanhu ndokuti: Ndatadza, ndakaminamisa zvakarurama, asi hazvina kundibatsira.

28 Wakadzikinura mweya weupenyu wangu pakupfuurira kugomba, uye upenyu hwangu hwuchaona chiedza.

29 Tarirai, Mwari anoita zvinhu izvi zvose kaviri kana katatu nemunhu,

30 kuti adzose mweya weupenyu wake kubva mugomba, kuti avhenekerwe nechiedza chevapenyu.

31 Cherekedza, Jobho, teerera kwandiri, nyarara, zvino ini ndichataura.

32 Kana kune mashoko, undipindure, taura, nokuti ndine chishuwo kukururamisira.

33 Kana zvisina kudaro, iwe teerera kwandiri, nyarara, zvino ndichakudzidzisa uchenjeri.