ShonaTeam Job « 1 »

Jobho munhu wakarurama

1 Kwaiva kune murume munyika yeUzi, zita rake raiva Jobho. Zvino murume uyu waiva akaperera, uye akarurama, uye waitya Mwari, achinyenyeredza chakaipa.

2 Zvino wakaberekerwa vanakomana vanomwe nevakunda vatatu.

3 Uye zvipfuwo zvake zvaiva makwai zvuru zvinomwe, nemakamera zvuru zvitatu, nezvipani zvemombe mazana mashanu, nembongoro hadzi mazana mashanu, nevaranda vazhinji kwazvo. Naizvozvo munhu uyu waiva mukuru pane vanhu vose vekumabvazuva.

4 Zvino vanakomana vake vaienda ndokuita mabiko muimba yeuyo neuyo nezuva rake, uye vaituma ndokudana hanzvadzi dzavo nhatu kuti vadye nekunwa navo.

5 Zvino zvakaitika paanenge atenderera mazuva emabiko kuti Jobho waituma ndokuvatsvenesa, ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokupa zvipo zvinopiswa pauwandu hwavo vose; nokuti Jobho wakati: Zvimwe vanakomana vangu vakatadza ndokutuka Mwari pamoyo yavo. Jobho waiita saizvozvo mazuva ose.

Satani anotenderwa kuedza Jobho

6 Zvino pakava nezuva vanakomana vaMwari pavakauya kuzvimisa pamberi paJehovha, Satani ndokusvikawo pakati pavo.

7 Jehovha ndokuti kuna Satani: Wabvepi? Satani ndokupindura Jehovha, ndokuti: Pakupota-pota nenyika, nepakufamba-famba pairi.

8 Jehovha ndokuti kuna Satani: Waisa here moyo wako pamuranda wangu Jobho? Nokuti hakuna wakaita saiye panyika, munhu wakaperera uye wakarurama, uye anotya Mwari, uye anonyenyeredza chakaipa.

9 Satani ndokupindura Jehovha, ndokuti: Jobho anotya Mwari pasina here?

10 Hamuna kumushoshera here iye neimba yake nezvose zvaanazvo kupoteredza? Makaropafadza basa remaoko ake, uye zvipfuwo zvake zvakawanda kwazvo panyika.

11 Asi zvirokwazvo tandavadzai ruoko rwenyu ikozvino, mugobata zvose zvaanazvo; zvirokwazvo achakutukai pachiso chenyu.

12 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; koga kwaari usatandavadzira ruoko rwako. Zvino Satani wakabuda kubva pamberi paJehovha.

13 Zvino kwakava nezuva vanakomana vake nevakunda vake pavaidya nekunwa waini paimba yemukoma vavo, dangwe.

14 Zvino kwakauya nhume kuna Jobho, ndokuti: Mombe dzanga dzichirima, nembongoro hadzi dzichifura parutivi rwadzo;

15 VaShebha ndokuvamba, ndokudzitora, ndokurova varanda nekwakapinza kwemunondo, zvino koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.

16 Achiri kutaura, kwakasvikawo umwe, ndokuti: Moto waMwari wawa kubva kumatenga ndokupisa makwai nevaranda, ndokuvapedza; uye koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.

17 Achiri kutaura, umwewo wakasvika ndokuti: VaKaradhiya vaita mapoka matatu, ndokuwira pamakamera, ndokumatora, ndokurova varanda nekwakapinza kwemunondo; uye koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.

18 Achiri kutaura umwewo wakasvika ndokuti: Vanakomana venyu nevakunda venyu vanga vachidya nekunwa waini muimba yemukoma wavo, dangwe.

19 Zvino tarirai, kwasvika mhepo huru ichibva mhiri kwerenje, ndokurova makona mana eimba, ndokuwira pamusoro pemajaya, ivo ndokufa; zvino koga ini ndoga ndapukunyuka kuti ndikuzivisei.

20 Zvino Jobho wakasimuka, akabvarura nguvo yake, ndokuveura musoro wake, ndokuwira pasi ndokunamata,

21 ndokuti: Ndakabuda ndiri musvi mudumbu ramai vangu, zvino ndinodzokerako ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.

22 Pane izvi zvose Jobho haana kutadza, uye haana kuverengera upenzi kuna Mwari.