ShonaTeam Nehemiah « 13

Zvimwe zvakagadzirwa naNehemiya

13Nezuva iro kwakaverengwa mubhuku raMozisi munzeve dzevanhu; zvino mariri makawanikwa makanyorwa kuti vaAmoni nevaMoabhu havafaniri kupinda muungano yaMwari nekusingaperi;

2 nokuti havana kuchingura vana vaIsraeri nezvekudya uye nemvura, asi vakavahaira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu wakashandura chituko chikava ropafadzo.

3 Zvino zvakaitika pavakanzwa murairo kuti vakatsaura kubva kuna Israeri musanganiswa wose wendudzi.

4 Zvino pamberi peizvi Eriashibhi mupristi waiva aiswa kuva pamusoro pemakamuri eimba yaMwari wedu, achishamwaridzana naTobhiya.

5 Zvino waiva amugadzirira kamuri huru pavaimbochengetera chipo chechidyiwa, zvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemidziyo, nezvegumi zvezviyo, waini itsva, nemafuta, zvaiva zvarairwa vaRevhi, nevaimbi, nevarindi vemikova, nechipo chevapristi.

6 Asi pane izvi zvose ndaiva ndisipo paJerusarema; nokuti pagore remakumi matatu nemaviri raAritakiserikisi mambo weBhabhironi, ndakauya kuna mambo; uye pakupera kwemazuva ndakakumbira tendero kuna mambo.

7 Ndokusvika kuJerusarema, ndokunzwisisa zvechakaipa Eriashibhi chaakaitira Tobhiya pakumuitira kamuri muzvivanze zveimba yaMwari.

8 Zvino zvakava zvakaipa zvikuru kwandiri; naizvozvo ndakakandira panze nhumbi dzose dzeimba yaTobhiya kunze kwekamuri.

9 Zvino ndakaraira, uye vakanatsa makamuri; ini ndokudzoserapo midziyo yeimba yaMwari pamwe nechipo chechidyiwa nezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

10 Zvino ndakaziva kuti migove yevaRevhi yaiva isina kupiwa; naizvozvo vaRevhi nevaimbi vaiita basa vaiva vatizira umwe neumwe kumunda wake.

11 Zvino ndakapikisana nevatongi ndokuti: Sei imba yaMwari yasiiwa? Zvino ndakavaunganidza, ndokuvamisa panzvimbo yavo.

12 Zvino Judha wose wakauya nechegumi chezviyo nechewaini itsva nechemafuta kumatura.

13 Zvino ndakaisa vachengeti vematura pamusoro pematura, Sheremiya mupristi, naZadhoki munyori, naPedhaya pavaRevhi; uye parutivi rwavo Hanani mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMataniya; nokuti vaiverengwa vakatendeka; uye zvaiva pavari kugovera kuhama dzavo.

14 Ndirangarirei, Mwari wangu, maererano neichi, uye musadzima zviito zvangu zvakanaka zvandakaitira imba yaMwari wangu neshumiro dzayo.

15 Pamazuva iwawo ndakaona kwaJudha vaitsika chisviniro chewaini nesabata, uye vachipinza zvisote nekutakudza mbongoro, newainiwo, mazambiringa, nemaonde, nemitoro yemarudzi ose, zvavakapinza muJerusarema nezuva resabata. Zvino ndakapupura pazuva ravaitengesa zvekudya.

16 Paiva pagerewo mairi VaTire, vaiuya nehove, nenhumbi dzose, ndokutengesa nesabata kuvana vaJudha nepaJerusarema.

17 Zvino ndakapikisana nevakuru vaJudha, ndokuti kwavari: Chii chinhu ichi chakaipa chamunoita, muchisvibisa zuva resabata?

18 Madzibaba enyu haana kuita saizvozvo here, naMwari wedu akaunza pamusoro pedu zvakaipa zvose izvi nepamusoro pemusha uyu? Zvakadaro munowedzera kutsamwa pamusoro paIsraeri nekusvibisa sabata.

19 Zvino zvakaitika kuti masuwo eJerusarema paakatanga kusviba sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndokuraira kuti irege kuzarurwa kusvika shure kwesabata; uye kubva pavaranda vangu ndakaisa pamasuwo, kusapinda mutoro pazuva resabata.

20 Naizvozvo vashambadziri nevatengesi venhumbi dzose vakarara kunze kweJerusarema kamwe kana kaviri.

21 Zvino ndakavapupurira ndokuti kwavari: Munorarirei pakatarisana nerusvingo? Kana mukapamhidza, ndichabudisira ruoko pamusoro penyu. Kubva panguva iyo havana kuzouya nesabata.

22 Zvino ndakaraira vaRevhi kuti vazvinatse uye kuti vauye kuzorinda masuwo, kuti vaite dzvene zuva resabata. Mundirangarire neizvi, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nekuwanda kwenyasha dzenyu.

23 Mumazuva iwawo ndakaonawo vaJudha vaiva vawana vakadzi VaAshidhodhikadzi, vaAmonikadzi, vaMoabhukadzi.

24 Zvino vana vavo, hafu vakataura chiAshidhodhi, uye vasingagoni kutaura chiJudha, asi nerurimi rwerudzi nerudzi.

25 Zvino ndakapikisana navo, ndokuvatuka, ndokurova vamwe vavo, ndokudzvura vhudzi ravo, ndokuvapikisa naMwari ndichiti: Hamungapi vakunda venyu kuvanakomana vavo, uye hamungatoreri vanakomana venyu kubva kuvakunda vavo, kana imwi pachenyu.

26 Soromoni mambo waIsraeri haana kutadza nezvinhu izvi here? Zvakadaro pakati pendudzi zhinji paiva pasina mambo wakaita saiye, naye waiva mudikanwa waMwari wake, Mwari ndokumuita mambo pamusoro paIsraeri wose; naiye vakadzi vatorwa vakamuita kuti atadze.

27 Zvino tingakuteererai kuita chinhu ichi chakaipa chikuru here, kutadzira Mwari wedu nekuwana vakadzi vatorwa?

28 Zvino umwe wevanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupristi mukuru waiva mukwasha waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.

29 Varangarirei, Mwari wangu, nokuti vakasvibisa upristi nesungano yeupristi neyevaRevhi.

30 Saizvozvo ndakavanatsa pavatorwa vose, ndokumisa faniro dzevapristi nevaRevhi, umwe neumwe pabasa rake;

31 nepazvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nepazvibereko zvekutanga. Ndirangarirei, Mwari wangu, pazvakanaka.