ShonaTeam 2 Chronicles « 18 »

Sungano pakati paAhabhi naJehoshafati uye kufa kwaAhabhi

18Zvino Jehoshafati waiva nefuma nerukudzo zvizhinji; uye wakawanirana naAhabhi.

2 Zvino pakupera kwemakore wakaburukira kuna Ahabhi kuSamariya. Ahabhi ndokumuuraira iye nevanhu vaaiva navo makwai nenzombe zvizhinji, ndokumunyengetedza kukwira kuRamoti-Giriyadhi.

3 Zvino Ahabhi mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati mambo waJudha: Muchaenda neni kuRamoti-Giriyadhi here? Iye ndokuti kwaari: Sewe ndizvo zvandakaita, uye sevanhu vako ndizvo zvakaita vanhu vangu; uye tichava newe pahondo.

4 Zvino Jehoshafati wakati kuna mambo waIsraeri: Bvunza hako nhasi shoko raJehovha.

5 Zvino mambo waIsraeri wakaunganidza vaporofita, varume mazana mana, ndokuti kwavari: Tiende kuRamoti-Giriyadhi kuhondo here, kana ndirege? Ivo vakati: Kwirai, nokuti Mwari acharipa muruoko rwamambo.

6 Asi Jehoshafati wakati: Hakuchina muporofita waJehovha pano here, kuti tibvunze kwaari?

7 Mambo waIsraeri ndokuti kuna Jehoshafati: Umwe murume achiko, kubvunza naye kuna Jehovha; asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; iye Mikaya mwanakomana waImira. Jehoshafati ndokuti: Mambo ngaarege kureva saizvozvo.

8 Zvino mambo waIsraeri wakadana umwe mutenwa, ndokuti: Kurumidzisa Mikaya mwanakomana waImira.

9 Zvino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vaiva vagere umwe neumwe pachigaro chake cheushe, vakapfeka nguvo refu; uye vagere paburiro panopinda pasuwo reSamariya; vaporofita vose ndokuporofita pamberi pavo.

10 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana waiva azviitira nyanga dzematare, ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Neidzi muchasunda vaSiriya kusvika mavapedza.

11 Nevaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vachiti: Kwirai kuRamoti-Giriyadhi mubudirire, nokuti Jehovha acharipa muruoko rwamambo.

12 Zvino nhume yakaenda kunodana Mikaya yakataura kwaari ichiti: Tarira, mashoko evaporofita nemuromo umwe akanaka kuna mambo; naizvozvo shoko renyu ngarive haro sereumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.

13 Mikaya ndokuti: NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo Mwari wangu zvaachareva, izvozvo ndichataura.

14 Zvino asvika kuna mambo, mambo wakati kwaari: Mikaya, tiende kuRamoti-Giriyadhi kuhondo here, kana ndirege? Iye ndokuti: Kwirai, muchabudirira; uye vachapiwa muruoko rwenyu.

15 Mambo ndokuti kwaari: Ndichakupikisa kusvika kangani kuti usandiudza chinhu asi chokwadi muzita raJehovha?

16 Iye ndokuti: Ndaona Israeri wose akapararira pamakomo semakwai asina mufudzi; Jehovha ndokuti: Ava havana tenzi; ngavadzokere umwe neumwe kumba kwake nerugare.

17 Mambo waIsraeri ndokuti kuna Jehoshafati: Handina kukuudza here: Haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?

18 Zvino wakati: Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake cheushe, nehondo yose yekumatenga imire kurudyi rwake neruboshwe rwake.

19 Jehovha ndokuti: Ndiani achakwezva Ahabhi mambo waIsraeri kuti akwire agowa paRamoti-Giriyadhi? Zvino umwe wakataura achiti seizvi, neumwe achiti seizvi.

20 Zvino mweya wakabuda, ndokumira pamberi paJehovha, ndokuti: Ini ndichamukwezva. Jehovha ndokuti kwaari: Nei?

21 Iye ndokuti: Ndichabuda ndigova mweya wenhema mumuromo wevaporofita vake vose. Iye ndokuti: Uchakwezva, uye uchagonawo; buda ugoita saizvozvo.

22 Naizvozvo zvino, tarirai, Jehovha waisa mweya wenhema mumuromo wevaporofita venyu ava, uye Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.

23 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana wakaswedera ndokurova Mikaya padama, ndokuti: Mweya waJehovha wakapfuura nenzira ipi achibva kwandiri kuti ataura newe?

24 Mikaya ndokuti: Tarira uchaona nemusi uyo wauchapinda mukamuri remukati kuti uvande.

25 Zvino mambo waIsraeri wakati: Torai Mikaya, mumudzosere kuna Amoni mubati weguta, nekuna Joashi mwanakomana wamambo.

26 Zvino muti: Ndizvo zvinoreva mambo: Isai uyu mutirongo, mumudyise chingwa chekutamburira nemvura yekutamburira, kusvika ndadzoka nerugare.

27 Zvino Mikaya wakati: Kana mukadzoka zvekudzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni. Ndokuti: Inzwai, vanhu, imwi mose.

28 Naizvozvo mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakakwira kuRamoti-Giriyadhi.

29 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Ndichazvivanza chimiro ndipinde pahondo; asi iwe pfeka nguvo refu dzako. Mambo waIsraeri ndokuzvivanza chimiro; zvino vakapinda pahondo.

30 Zvino mambo weSiriya waiva araira misoro yengoro yaaiva nayo achiti: Regai kurwa nemudiki kana nemukuru, asi namambo waIsraeri chete.

31 Zvino zvakaitika misoro yengoro payakaona Jehoshafati, kuti ivo vakati: Ndimambo waIsraeri. Naizvozvo vakamukomba kumurwisa; asi Jehoshafati wakaridza mhere; Jehovha ndokumubatsira; Mwari ndokuvakwezva vakabva kwaari.

32 Nokuti zvakaitika misoro yengoro payakaona kuti waiva asiri mambo waIsraeri, vakadzoka pakumutevera.

33 Zvino umwe munhu wakahwembura uta asina waakananga ndokurova mambo waIsraeri pakati pepakabatanidzwa nenguvo dzeutare. Zvino wakati kumufambisi wengoro: Tendeudza ruoko rwako, undibudise pamusasa, nokuti ndakuvadzwa.

34 Zvino hondo yakawedzera pazuva iro; asi mambo waIsraeri waiva akatsigirwa mungoro akatarisana nevaSiriya kusvika madekwani. Zvino wakafa panguva yekuvira kwezuva.