ShonaTeam 2 Chronicles « 13 »

Abhija mambo waJudha

13Zvino mugore regumi nemasere ramambo Jerobhoamu, Abhija wakava mambo pamusoro paJudha.

2 Wakatonga makore matatu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Mikaya, mukunda waUrieri weGibhiya. Zvino kwakava nehondo pakati paAbhija naJerobhoamu.

3 Zvino Abhija wakasunga hondo ane varwi vevarume veumhare vehondo, varume vakasarudzwa zvuru mazana mana. Jerobhohamu ndokurongedza hondo kurwisana naye ane varume vakasarudzwa zvuru mazana masere, varume veumhare vane simba.

4 Zvino Abhija wakamira pamusoro pegomo Zemaraimi, riri pagomo raEfuremu, ndokuti: Ndinzwei, Jerobhoamu, naIsraeri wose!

5 Hazvisi zvenyu here kuziva kuti Jehovha Mwari waIsraeri wakapa Dhavhidhi ushe pamusoro paIsraeri nekusingaperi, kwaari nekuvanakomana vake nesungano yemunyu?

6 Zvakadaro Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, muranda waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, wakasimuka ndokumukira ishe wake.

7 Zvino vakaunganira kwaari varume vasina maturo, vana vaBheriyari, vakazvisimbisa kurwisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, Rehobhoamu ari mudiki uye akapfava pamoyo asingagoni kuvarwisa.

8 Zvino ikozvino munoti muchamirisana neushe hwaJehovha muruoko rwevanakomana vaDhavhidhi; uye imwi muri chaunga chikuru, asi mune mhuru dzegoridhe Jerobhoamu dzaakakuitirai dzive vamwari.

9 Hamuna kudzinga here vapristi vaJehovha, vanakomana vaAroni, nevaRevhi, mukazviitira vapristi semarudzi edzinyika? Ani nani anouya kuzadza ruoko rwake nenzombe, mhuru yemombe, nemakondohwe manomwe, anova mupristi wevasiri vamwari.

10 Asi isu, Jehovha ndiMwari wedu, uye hatina kumusiya; nevapristi vanoshumira Jehovha vari vanakomana vaAroni, nevaRevhi vari pabasa.

11 Zvino vakapisira Jehovha mangwanani nemangwanani uye madekwani nemadekwani zvipo zvinopiswa, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nechingwa chekuratidza patafura yakachena, nechigadziko chemwenje chegoridhe nemwenje yacho kupisa madekwani nemadekwani; nokuti tinochengeta faniro yaJehovha Mwari wedu; asi imwi makamusiya.

12 Zvino tarirai, Mwari anesu ari musoro, nevapristi vake vane hwamanda dzinorira kukuridzirai mhere. Vana vaIsraeri, regai kurwa naJehovha Mwari wemadzibaba enyu; nokuti hamungabudiriri.

13 Asi Jerobhoamu wakapoteredza vavandiri kuti vauye neshure kwavo; naizvozvo vakava pamberi paJudha, uye vavandiri vaiva shure kwavo.

14 Zvino Judha paakacheuka, tarira, hondo yairwisana navo, mberi neshure; zvino vakachema kuna Jehovha; vapristi ndokuridza hwamanda.

15 Zvino varume vaJudha vakaridza mhere. Zvino zvakaitika pakuridza mhere kwevarume vekwaJudha, kuti Mwari wakarova Jerobhoamu naIsraeri wose pamberi paAbhija naJudha.

16 Vana vaIsraeri ndokutiza pamberi paJudha; Mwari ndokuvapa muruoko rwavo.

17 Zvino Abhija nevanhu vake vakarova pakati pavo nekurova kukuru; ndokuwa vakaurawa kwaIsraeri varume vakasarudzwa zvuru mazana mashanu.

18 Saizvozvo vana vaIsraeri vakaderedzwa nenguva iyo; uye vana vaJudha vakakunda, nokuti vakazembera pana Jehovha Mwari wemadzibaba avo.

19 Abhija ndokudzingirirana naJerobhoamu, ndokutapa maguta kubva kwaari: Bheteri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfironi nemisha yaro.

20 Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba pamazuva aAbhija; Jehovha ndokumurova, iye ndokufa.

21 Zvino Abhija wakazvisimbisa, ndokuzvitorera vakadzi gumi nevana, ndokubereka vanakomana makumi maviri nevaviri, nevanasikana gumi nevatanhatu.

22 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAbhija, nenzira dzake, nemashoko ake, zvakanyorwa munyaya yemuporofita Idho.