ShonaTeam 2 Chronicles « 1 »

Soromoni anokumbira njere kuna Mwari

1 Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi wakazvisimbisa paushe hwake, uye Jehovha Mwari wake waiva naye, ndokumukurisa zvikuru kwazvo.

2 Zvino Soromoni wakataura kuna Israeri wose, kumisoro yezvuru neyemazana, nekuvatongi, nekumachinda ose kwaIsraeri wose, misoro yemadzibaba.

3 Zvino Soromoni neungano yose pamwe naye vakaenda kunzvimbo yakakwirira yaiva paGibhiyoni; nokuti ipapo paiva netende rekusangana raMwari, Mozisi muranda waJehovha raaiva aita murenje.

4 Asi Dhavhidhi waiva akwidza areka yaMwari kubva paKiriati-Jearimi kuiisa Dhavhidhi paaiva aigadzirira, nokuti waiva aidzikira tende paJerusarema.

5 Nearitari yendarira Bhezareeri mwanakomana waUri mwanakomana waHuri yaaiva aita wakaiisa pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano ndokutsvaka kwairi.

6 Zvino Soromoni wakakwirako kuaritari yendarira pamberi paJehovha, yaiva patende rekusangana, ndokupa pairi zvipo zvinopiswa churu.

7 Muusiku ihwohwo Mwari wakaonekwa kuna Soromoni, ndokuti kwaari: Kumbira chandingakupa.

8 Soromoni ndokuti kuna Mwari: Imwi makaitira baba vangu Dhavhidhi ngoni huru, uye makandiita ndive mambo pachinzvimbo chavo.

9 Ikozvino Jehovha Mwari, shoko renyu kuna Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti imwi makandiita mambo pamusoro pevanhu vakaita seguruva repasi kuwanda.

10 Ikozvino ndipei njere neruzivo kuti ndibude uye ndipinde pamberi pevanhu ava; nokuti ndiani angatonga vanhu venyu ava vakakura?

11 Mwari ndokuti kuna Soromoni: Nokuti ichi changa chiri mumoyo mako, uye hauna kukumbira fuma, ufumi, nekukudzwa, kana upenyu hwevavengi vako, uye hauna kukumbira mazuva mazhinji, asi wakazvikumbirira njere neruzivo, kuti ugotonga vanhu vangu, vandakakuita mambo pamusoro pavo:

12 Njere neruzivo zvinopiwa kwauri, nefuma, neufumi, nerukudzo ndinokupa, zvekuti hakuna kumbova nezvakadaro kumadzimambo aiva mberi kwako, uye shure kwako hakuchazovi nezvakadaro.

13 Zvino Soromoni wakauya kubva panzvimbo yakakwirira yaiva paGibhiyoni kubva pamberi petende rekusangana, akasvika Jerusarema, ndokutonga pamusoro paIsraeri.

Fuma yaSoromoni

14 Zvino Soromoni wakaunganidza ngoro nevatasvi vemabhiza. Zvino waiva nengoro churu nemazana mana, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro uye pamwe namambo paJerusarema.

15 Mambo ndokuita sirivha negoridhe paJerusarema zvikaita semabwe, nemisidhari akaiita semionde iri pamipata kuwanda.

16 Zvino mabhiza aiva aSoromoni aibva kuEgipita, nemucheka wakapfava, vatengesi vamambo vaiutora mucheka wakapfava nemutengo.

17 Zvino vakakwidza vachibudisa kubva muEgipita, ngoro pamashekeri esirivha mazana matanhatu, nebhiza pamashekeri zana nemakumi mashanu; saizvozvowo kumadzimambo ose evaHiti nemadzimambo evaSiriya vakabudisa neruoko rwavo.