ShonaTeam 1 Chronicles « 28 »

Dhavhidhi anoraira Soromoni pamusoro petembere

28Zvino Dhavhidhi wakaunganidza vakuru vose vaIsraeri, vakuru vemarudzi, nevakuru vemapoka vaishandira mambo, nevakuru vezvuru, nevakuru vemazana, nevatariri venhumbi dzose nefuma yamambo nevanakomana vake, pamwe nevatenwa, nevane simba, nevane simba vose veumhare, kuJerusarema.

2 Zvino mambo Dhavhidhi wakamira netsoka dzake ndokuti: Ndinzwei hama dzangu, nevanhu vangu! Ini, zvaiva mumoyo mangu kuvakira areka yesungano yaJehovha imba yekuzorora, neyechitsiko chetsoka dzaMwari wedu; zvino ndakaita gadziriro yekuvaka.

3 Asi Mwari wakati kwandiri: Haungavakiri zita rangu imba, nokuti uri munhu wedzihondo, uye wakateura ropa rakawanda.

4 Zvino Jehovha Mwari waIsraeri wakandisarudza kubva paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri rinhi narinhi, nokuti wakasarudza Judha kuva mutongi, nepaimba yaJudha imba yababa vangu, uye pakati pevanakomana vababa vangu wakandida kuita mambo pamusoro paIsraeri wose.

5 Zvino pavanakomana vangu vose (nokuti Jehovha wakandipa vanakomana vazhinji) wakasarudza Soromoni mwanakomana wangu kugara pachigaro cheushe cheumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri.

6 Zvino wakati kwandiri: Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu; nokuti ndakamusarudza kuva mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake.

7 Uye ndichasimbisa ushe hwake kusvika rinhi narinhi kana akasimba kuita mirairo yangu nemitongo yangu sanhasi.

8 Naizvozvo ikozvino pamberi pemeso aIsraeri wose, ungano yaJehovha, uye munzeve dzaMwari wedu, chengetai uye tsvakai mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti mugare nhaka yenyika iyi yakanaka, mugosiira vana venyu nhaka yayo shure kwenyu kusvika rinhi narinhi.

9 Zvino iwe Soromoni mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nemoyo wakazara, uye nemweya unoda; nokuti Jehovha anonzvera moyo yose, uye anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo. Kana ukamutsvaka, achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, achakurasa kusvika rinhi narinhi.

10 Zvino chenjerera, nokuti Jehovha wakakusarudza kuvaka imba ive imba tsvene; simba ugozviita.

11 Zvino Dhavhidhi wakapa Soromoni mwanakomana wake mufananidzo weberere, newedzimba dzaro, newezvinokosha zvaro, newemakamuri aro epamusoro, newemakamuri aro emukati, neweimba yechigaro chengoni.

12 Nemufananidzo wezvose zvaaiva nazvo neMweya, wezvivanze zveimba yaJehovha, newemakamuri ose akapoteredza, wematura ezvinokosha zveimba yaMwari, newematura ezvinokosha zvezvinhu zvitsvene,

13 newemapoka evapristi nevaRevhi, newebasa rose reshumiro yeimba yaJehovha, newemidziyo yose yeshumiro yeimba yaJehovha,

14 wegoridhe neuremu pagoridhe pazvinhu zvose zvebasa ripi neripi, wemidziyo yose yesirivha neuremu, wemidziyo yose yekushumira neshumiro,

15 neuremu hwezvigadziko zvemwenje zvegoridhe, newemwenje yazvo yegoridhe neuremu hwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe nemwenje yazvo, nehwezvigadziko zvemwenje zvesirivha neuremu hwechigadziko chemwenje nemwenje yacho zvichienderana nebasa rechigadziko chemwenje chimwe nechimwe;

16 negoridhe, uremu hwematafura ezvingwa zvekuratidza hwetafura netafura, nesirivha yematafura esirivha;

17 nemaforogo, nendiro dzekusasa, nemikombe yegoridhe rakazara, uye nemidziyo yegoridhe neuremu hwemudziyo uyu neuyu; uye nemidziyo yesirivha, neuremu hwemudziyo uyu neuyu;

18 nepaaritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, goridhe rakanatswa neuremu, negoridhe remufananidzo wengoro dzemakerubhi akatandavadza mapapiro achifukidza areka yesungano yaJehovha.

19Dhavhidhi ndokuti: Izvi zvose Jehovha wakaita ndinzwisise nekunyora neruoko rwake pamusoro pangu, mabasa ose emufananidzo uyu.

20 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Soromoni mwanakomana wake: Simba, utsunge, ugoita, usatya uye usavunduswa, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe; haangakuregi uye haangakusiyi kusvika mabasa ose eshumiro yeimba yaJehovha apedzwa.

21 Zvino tarira, mapoka evapristi nevaRevhi, pabasa rose reimba yaMwari; uye vanewe pabasa ripi neripi, mhizha ipi neipi inoda pabasa rose, nemachinda nevanhu vose vachaita sekuraira kwako kose.