ShonaTeam 1 Chronicles « 26 »

Vatariri vetembere

26Maererano nemapoka evachengeti vemasuwo. KuvaKora: Mesheremiya mwanakomana waKore, wevanakomana vaAsafi.

2 Nevanakomana vaMesheremiya: Zekariya dangwe, Jedhiyaeri wepiri, Zebhedhia wetatu, Jatiniyeri wechina,

3 Eramu weshanu, Jehohanani wetanhatu, Erioenai wechinomwe.

4 NaObhedhi-Edhomu waiva nevanakomana: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wepiri, Jowa wetatu, naSakari wechina, naNetaneri weshanu,

5 Amieri wetanhatu, Isasikari wechinomwe, Peuretai wesere; nokuti Mwari waiva amuropafadza.

6 Nekuna Shemaya mwanakomana wake kwakaberekwa vanakomana vaitonga imba yababa vavo; nokuti vaiva varume vesimba veumhare.

7 Vanakomana vaShemaya: Otini, naRefayeri, naObhedhi, Erizabhadhi, vanin'ina vake, vanakomana veumhare; Erihu naShemakiya.

8 Ava vose vaiva vevanakomana vaObhedhi-Edhomu; ivo nevanakomana vavo, nevanin'ina vavo, varume vakakwana nesimba vebasa; makumi matanhatu nevaviri vaObhedhi-Edhomu.

9 Uye Mesheremiya waiva nevanakomana nevanin'ina, vanakomana veumhare, gumi nevasere.

10 NaHosa, wevanakomana vaMerari, waiva nevanakomana: Shimiri musoro (kunyange waiva asiri dangwe, baba vake vakamuita musoro),

11 Hirikiya wepiri, Tebhariya wetatu, Zekariya wechina; vose vanakomana nevanin'ina vaHosa, gumi nevatatu.

12 Pakati peava paiva nemapoka evachengeti vemasuwo, pakati pemisoro yevarume vane ngava sehama dzavo, kushumira muimba yaJehovha.

13 Zvino vakakanda mijenya, nemudikiwo semukuru, zvichienderana neimba yemadzibaba avo kuitira suwo nesuwo.

14 Zvino mujenya nechekumabvazuva wakawira kuna Sheremiya; zvino vakakanda mujenya pamusoro paZekariya mwanakomana wake, gurukota rakachenjera; mujenya wake ndokubudira kumaodzanyemba.

15 Kuna Obhedhi-Edhomu nechekuchamhembe, nekuvanakomana vake, imba yematura.

16 Kuna Shupimi nekuna Hosa nechekumavirira, pamwe nesuwo reShareketi riri pamugwagwa mukuru unokwira, chirindo nechirindo.

17 Nechekumabvazuva kwaiva nevaRevhi vatanhatu, nechekuchamhembe zuva rimwe nerimwe vana, nechekumaodzanyemba zuva rimwe nerimwe vana, nepamatura vaviri-vaviri.

18 PaParibhari nechekumavirazuva, vana pamugwagwa mukuru, vaviri paParibhari.

19 Awa mapoka evachengeti vemikova vevanakomana vevaKora nevevanakomana vaMerari.

Vachengeti vefuma

20 Zvino kuvaRevhi Ahija waiva pamusoro pezvinokosha zveimba yaMwari uye pamusoro pezvinokosha zvezvinhu zvitsvene.

21 Vanakomana vaRadhani: Vanakomana vemuGerishoni, kuRadhani misoro yemadzibaba kwaRadhani muGerishoni: Jehieri.

22 Vanakomana vaJehiyeri: Zetami naJoweri munin'ina wake vaiva pamusoro pezvinokosha zveimba yaJehovha.

23 KuvaAmiramu, kuvaIzihari, kuvaHebhuroni, kuvaUziyeri:

24 NaShebhueri mwanakomana waGerishomu, mwanakomana waMozisi, waiva mukuru pamusoro pezvinokosha.

25 Nevanin'ina vake vaEriezeri: Rehabhia mwanakomana wake, uye Jeshaya mwanakomana wake, uye Joramu mwanakomana wake, uye Zikiri mwanakomana wake, uye Sheromiti mwanakomana wake.

26 Sheromiti uyu nevanin'ina vake vaiva pamusoro pezvinokosha zvose zvezvinhu zvitsvene, izvo Dhavhidhi mambo zvaakatsvenesa, nemisoro yemadzibaba, nevakuru vezvuru nevemazana, nevakuru vehondo.

27 Kubva pahondo nepane zvakapambiwa vakazviita zvitsvene kugadzira imba yaJehovha.

28 Nezvose Samueri muoni zvaakatsvenesa, naSauro mwanakomana waKishi, naAbhineri mwanakomana waNeri, naJoabhu mwanakomana waZeruya, zvose zvaakatsvenesa, zvaiva pasi peruoko rwaSheromoti nevanin'ina vake.

29 KuvaIzihari, Kenania nevanakomana vake pamabasa ekunze pamusoro paIsraeri, vari vatariri nevatongi.

30 KuvaHebhuroni, Hashabhiya nevanin'ina vake, varume veumhare, churu nemazana manomwe, pamusoro pevatungamiriri vaIsraeri mhiri kwaJoridhani nechekumavirazuva, pabasa rose raJehovha nepashumiro yamambo.

31 Pakati pevaHebhuroni, Jeriya musoro, kuvaHebhuroni, zvichienderana nemazera avo zvichienderana nemadzibaba, mugore remakumi mana rekutonga kwaDhavhidhi vakatsvakwa; ndokuwanikwa pakati pavo varume vesimba veumhare, muJazeri reGiriyadhi.

32 Zvino vanin'ina vake, varume veumhare, vaiva zvuru zviviri nemazana manomwe, misoro yedzimba, Dhavhidhi mambo vaaiva aita vatongi pamusoro pevaRubheni, nevaGadhi, nehafu yerudzi rwaManase, pazvinhu zvose zvaMwari nezvinhu zvamambo.