ShonaTeam 1 Chronicles « 20 »

20Zvino zvakaitika panguva yekudzoka kwegore, panguva madzimambo yaaibuda kunorwa, Joabhu wakatungamirira mauto esimba, ndokuparadza nyika yevana vaAmoni, ndokuuya ndokukomba Rabha. Asi Dhavhidhi akasara paJerusarema. Joabhu ndokurova Rabha, ndokuriputsa.

2 Zvino Dhavhidhi wakatora korona yamambo wavo kubva mumusoro wake, ndokuwana ichirema tarenda regoridhe, uye mairi mune ibwe rinokosha. Zvino ikava pamusoro waDhavhidhi; iye ndokubudisa zvakapambiwa zvizhinji kwazvo paguta.

3 Wakabudisawo vanhu vaiva varimo ndokucheka nesaha nembambo dzematare uye nemasanhu. Dhavhidhi akaita saizvozvowo nemaguta ose evana vaAmoni. Dhavhidhi nevanhu vose ndokudzokera kuJerusarema.

Dhavhidhi anokunda vaFirisitia

4 Zvino zvakaitika shure kweizvi, kuti kwakamuka hondo paGezeri nevaFirisitia; panguva iyo Shibhekai muHushati yaakauraya Sipai, umwe wevanakomana vaRafa; ivo ndokuwisirwa pasi.

5 Pakavazve nehondo nevaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJairi ndokurova Rahimi munin'ina waGoriati muGiti; uye mubato wepfumo rake waiva wakaita sedanda remuruki.

6 Kwakavazve nehondo paGati, paiva nemunhu murefu waiva neminwe nezvigunwe zvitanhatu zvitanhatu, makumi maviri nezvina, uyewo wakaberekwa ari muRafa.

7 Zvino ashora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimeya, munin'ina waDhavhidhi ndokumurova.

8 Ava vakaberekerwa Rafa paGati; ivo ndokuwa neruoko rwaDhavhidhi, uye neruoko rwevaranda vake.