ShonaTeam 1 Chronicles « 11 »

Dhavhidhi anogadzwa mambo paHebhuroni, anokunda vaJebhusi

11Zvino Israeri wose wakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, achiti: Tarirai, isu tiri pfupa renyu nenyama yenyu.

2 Nazuro namarimwezuro, kunyange Sauro aiva mambo, imwi ndimwi maibudisa nekupinza Israeri; uye Jehovha Mwari wenyu wakati kwamuri: Iwe uchafudza vanhu vangu Israeri, uye iwe uchava mutongi pamusoro pevanhu vangu Israeri.

3 Zvino kwakasvika vakuru vose vaIsraeri kuna mambo paHebhuroni; Dhavhidhi ndokuita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo ndokuzodza Dhavhidhi kuva mambo pamusoro paIsraeri, zvichienderana neshoko raJehovha neruoko rwaSamueri.

4 Zvino Dhavhidhi naIsraeri wose vakaenda kuJerusarema, rinova Jebhusi; nokuti ipapo kwaiva nevaJebhusi, vagari venyika iyo.

5 Zvino vagari veJebhusi vakati kuna Dhavhidhi: Haungapindi pano. Asi Dhavhidhi wakatapa nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.

6 Dhavhidhi ndokuti: Ani nani anotanga kurova vaJebhusi achava musoro nemukuru. Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya wakatanga ndokukwira, ndokuva musoro.

7 Zvino Dhavhidhi wakagara munhare; naizvozvo vakaritumidza kuti guta raDhavhidhi.

8 Zvino wakavaka guta kupoteredza, kubva paMiro kusvika aripoteredza; Joabhu ndokuvandudza zvakasara zveguta.

9 Dhavhidhi ndokuenda, achienderera achikura, nokuti Jehovha wehondo waiva naye.

Machinda aDhavhidhi

10 Zvino ava misoro yevane simba Dhavhidhi vaaiva navo, vaizvisimbisa pamwe naye paumambo hwake, naIsraeri wose, kumuita mambo, zvichienderana neshoko raJehovha maererano naIsraeri.

11 Ndihwo uwandu hwevane simba Dhavhidhi vaaiva navo: Jashobheyami mwanakomana wemuHakimoni, musoro wevane makumi matatu; iye wakamutsira pfumo rake vane mazana matatu, akauraya nenguva imwe.

12 Zvino shure kwake kwakava naEriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, waiva wevatatu vaiva nesimba.

13 Iye waiva naDhavhidhi paPasi-Dhamini; uye ipapo vaFirisitia vaiva vaunganira kurwa, uye ndima yemunda yaiva izere nebhari; vanhu ndokutiza pamberi pevaFirisitia.

14 Ivo ndokuzvimisa pakati pendima, ndokuisunungura, ndokuuraya vaFirisitia; Jehovha ndokuponesa nekusunungura kukuru.

15 Zvino vatatu vevakuru makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yevaFirisitia yaiva yadzika matende pamupata wevaRefaimu.

16 Zvino panguva iyo Dhavhidhi waiva munhare, uye boka revarwi vevaFirisitia raiva paBheterehemu panguva iyo.

17 Dhavhidhi wakapanga, ndokuti: Dai umwe andipa ndinwe mvura kubva mutsime reBheterehemu riri pasuwo!

18 Zvino vatatu ava vakapaza nemukati memusasa wevaFirisitia, ndokuchera mvura kubva mutsime reBheterehemu, riri pasuwo, vakatora, ndokuuisa kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi haana kuda kuinwa, asi wakaidururira kuna Jehovha,

19 ndokuti: Ngazvive kure neni, naMwari wangu, kuti ndiite chinhu ichi! Ndinganwa ropa revarume ava vakaisa upenyu hwavo panjodzi, nokuti neupenyu hwavo vauya nayo; naizvozvo haana kuda kuinwa. Zvinhu izvi vakazviita vane simba vatatu ava.

20 NaAbhishai munin'ina waJoabhu, iye waiva musoro wevatatu avo, nekuda kwekumutsira kwake pfumo rake kumazana matatu, wakavauraya; ndokuva nezita pakati pevatatu.

21 Pavatatu waikudzwa nevaviri, ndokuva mutungamiriri wavo; asi haana kunanavira kuvatatu vekutanga.

22 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, waiva mukuru pazviito. Iye wakarova vekwaMoabhu vaviri vakaita seshumba, akaburukawo ndokuuraya shumba mukati megomba nezuva remagada echando.

23 Akaurayawo muEgipita, murume murefu, wemakubhiti mashanu; uye muruoko rwemuEgipita uyu maiva nepfumo rakaita sedanda remuruki; asi iye wakaburukira kwaari netsvimbo, ndokubvuta pfumo kubva muruoko rwemuEgipita, ndokumuuraya nepfumo rake pachake.

24 Izvi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wakaita, ndokuva nezita pakati pevatatu vane simba.

25 Tarirai, wakakudzwa pakati pemakumi matatu, asi haana kunanavira kuvatatu vekutanga. Dhavhidhi ndokumuisa pamusoro pevachengetedzi vake.

26 Nemhare dzehondo: Asaheri munin'ina waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu,

27 Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,

28 Ira mwanakomana waIkeshi muTekowa, Abhi-Ezeri muAnatoti,

29 Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,

30 Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhahana muNetofati,

31 Itai mwanakomana waRibhayi weGibhiya revana vaBhenjamini, Bhenaya muPiratoni,

32 Hurai wehova dzeGaashi, Abhieri muAribhati,

33 Azimavheti muBhaharumi, Eriabha muShaaribhoni,

34 vanakomana vaHashemu muGizoni, Jonatani mwanakomana waShage muHarari,

35 Ahiamu mwanakomana waSakari muHarari, Erifari mwanakomana waUri,

36 Heferi muMekerati, Ahiya muPeroni,

37 naHeziro muKarimeri, Naarai mwanakomana waEzibhayi,

38 Joweri munin'ina waNatani, Mibhari mwanakomana waHagiri,

39 Zereki muAmoni, Naharai muBheroti, mutakuri wezvombo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya,

40 Ira muItiri, Garebhu muItiri,

41 Uriya muHiti, Zabhadhi mwanakomana waAherayi,

42 Adhina mwanakomana waShiza muRubheni, musoro wevaRubheni, uye vane makumi matatu vanaye,

43 Hanani mwanakomana waMahaka, naJoshafati muMitini,

44 Uziya muAshiterati, Shama naJeyieri vanakomana vaHotamu muAroeri,

45 Jedhiyaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munin'ina wake muTizi,

46 Erieri muMahavhi, naJeribhayi naJoshavhiya vanakomana vaErinahamu, naItima muMoabhu,

47 naErieri, naObhedhi, naJahasieri muMezobha.