ShonaTeam 1 Chronicles « 8 »

Vana vaBhenjamini naSauro

8Zvino Bhenjamini wakabereka Bhera dangwe rake, Ashibheri wepiri, naAhara wetatu,

2 Noha wechina, naRafa weshanu.

3 Uye Bhera waiva nevanakomana: Adhari, naGera, naAbhihudhi,

4 naAbhishuwa, naNaamani, naAhowa,

5 naGera, naShefufani, naHuramu.

6 Zvino ava vanakomana vaEhudhi: Ndivo misoro yemadzibaba evagari vepaGebha, uye vakavatapira kuManahati;

7 naNaamani, naAhiya, naGera, iye wakavatapa; ndokubereka Uza naAhihudhi.

8 Shaharaimu ndokubereka panyika yaMoabhu, shure kwekuvadzinga kwake. Hushimi naBhahara vaiva vakadzi vake.

9 Zvino wakabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikamu,

10 naJeuzi, naSakiya, naMirima. Ava vanakomana vake, misoro yemadzibaba.

11 Zvino kuna Hushimi wakabereka Abhitubhi naEripahari.

12 Uye vanakomana vaEripahari: Ebheri, naMishamu, naShemedhi; iye wakavaka Ono, neRodhi, nemisha yawo,

13 naBheriya, naShema; ivo vaiva misoro yemadzibaba kuvagari vepaAjaroni; ivo vaiva vadzinga vagari vepaGati;

14 naAhiyo, Shashaki, naJeremoti,

15 naZebhadhia, naAradhi, naEdheri,

16 naMikayeri, naIshipa, naJoha, vanakomana vaBheriya;

17 naZebhadhia, naMeshuramu, naHiziki, naHebheri,

18 naIshimerai, naIziriya, naJobhabhu, vanakomana vaEripahari;

19 naJakimu, naZikiri, naZabhudhi,

20 naErienai, naZiretai, naEriyeri,

21 naAdhaya, naBheraya, naShimurati, vanakomana vaShimei;

22 naIshipani, naEbheri, naEriyeri,

23 naAbhudhoni, naZikiri, naHanani,

24 naHananiya, naEramu, naAnitotiya,

25 naIfudheya, naPenueri, vanakomana vaShashaki;

26 naShamusherai, naShehariya, naAtariya,

27 naJaareshiya, naEriya, naZikiri, vanakomana vaJerohamu.

28 Ava vaiva misoro yemadzibaba, misoro pamarudzi avo; ava vaigara muJerusarema.

29 NepaGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni; nezita remukadzi wake raiva Mahaka;

30 uye mwanakomana wake dangwe aiva Abhidhoni; naZuri, naKishi, naBhahari, naNadhabhi,

31 naGedhori, naAhiyo, naZekeri.

32 Mikiroti ndokubereka Shimeya. Uye avawo vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusarema, pamwe nehama dzavo.

33 Neri ndokubereka Kishi, Kishi ndokubereka Sauro, Sauro ndokubereka Jonatani, naMariki-Shua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.

34 Zvino mwanakomana waJonatani waiva Meribhi-Bhaari; Meribhi-Bhaari ndokubereka Mika.

35 Nevanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTareya, naAhazi.

36 Ahazi ndokubereka Jehoadha, Jehoadha ndokubereka Aremeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri ndokubereka Moza;

37 Moza ndokubereka Bhineya; Rafa waiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake, Azeri mwanakomana wake.

38 Zvino Azeri waiva nevanakomana vatanhatu; uye awa ndiwo mazita avo: Azirikamu, Bhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri.

39 Nevanakomana vaEsheki munin'ina wake: Uramu dangwe rake, Jeushi wepiri, naErifereti wetatu.

40 Zvino vanakomana vaUramu vaiva varume vane simba veumhare, vaihwembura uta; vaiva nevanakomana vazhinji, nevanakomana vevanakomana, zana nemakumi mashanu. Ava vose vaiva vevanakomana vaBhenjamini.