ShonaTeam 2 Kings « 24 »

24Pamazuva ake Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi wakakwira; Jehoyakimu ndokuva muranda wake makore matatu; ndokudzoka ndokumupandukira.

2 Jehovha wakatuma kwaari hondo dzakarongwa dzevaKaradhiya, nehondo dzakarongwa dzevaSiriya, nehondo dzakarongwa dzevaMoabhu, nehondo dzakarongwa dzevana vaAmoni, ndokudzituma kurwisa Judha kuriparadza, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwevaranda vake vaporofita.

3 Zvirokwazvo nemurairo waJehovha izvi zvawira Judha, kuvabvisa kubva pachiso chake, nekuda kwezvivi zvaManase, zvichienderana nezvose zvaakaita;

4 uyewo nekuda kweropa risina mhosva raakateura; nokuti wakazadza Jerusarema neropa risina mhosva; Jehovha akasada kukanganwira.

5 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoyakimu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

6 Jehoyakimu ndokurara nemadzibaba ake; mwanakomana wake Jehoyakini ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

7 Zvino mambo weEgipita haana kudzokororazve kubuda munyika yake, nokuti mambo weBhabhironi waiva atora kubva parukova rweEgipita kusvika parwizi Furati zvose zvaiva zvamambo weEgipita.

8 Jehoyakini waiva nemakore gumi nemasere paakava mambo, ndokutonga paJerusarema mwedzi mitatu. Uye zita ramai vake raiva Nehushuta mukunda waErinatani weJerusarema.

9 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha, zvichienderana nezvose madzibaba ake zvaakaita.

10 Panguva iyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakakwira kuJerusarema; guta ndokupinda pakukombwa.

11 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ndokusvika kurwisa guta, varanda vake vakarikomba.

12 Zvino Jehoyakini mambo waJudha wakabudira kuna mambo weBhabhironi, iye namai vake, nevaranda vake, nemachinda ake, nevatenwa vake; mambo weBhabhironi ndokumutora mugore rerusere rekutonga kwake.

13 Zvino wakabudisapo nefuma yose yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, ndokutema-tema nhumbi dzose dzegoridhe Soromoni mambo waIsraeri dzaaiva aita mutembere yaJehovha, Jehovha sezvaaiva areva.

14 Zvino wakatapa Jerusarema rose, nemachinda ose, nevane simba vemhare vose, vatapwa vane zvuru gumi, nemhizha dzose, nevapfuri; hakuna wakasiiwa kunze kwevepasi vevanhu venyika.

15 Zvino wakatapira Jehoyakini kuBhabhironi, namai vamambo, nevakadzi vamambo, nevatenwa vake, nevane simba venyika, akavatapira kuBhabhironi vachibva paJerusarema.

16 Zvino varume vose vesimba, zvuru zvinomwe, nemhizha nevapfuri churu, ava vose vakasimba vaiita hondo; mambo weBhabhironi ndokuvauisa vari vatapwa kuBhabhironi.

17 Mambo weBhabhironi ndokuita Mataniya babamunini vake mambo pachinzvimbo chake, ndokushandura zita rake kuva Zedhekia.

Zedhekia mambo wekupedzisira waJudha

18 Zedhekia waiva nemakore makumi maviri nerimwe paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore gumi nerimwe. Uye zita ramai vake raiva Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.

19 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha zvichienderana nezvose Jehoyakini zvaakaita.

20 Nokuti nekuda kwekutsamwa kwaJehovha izvi zvakaitika paJerusarema nekwaJudha kusvika avarasa kubva pamberi pake. Zedhekia ndokumukira mambo weBhabhironi.