ShonaTeam 2 Kings « 14 »

Amaziya mambo waJudha

14Mugore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo waIsraeri, Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakava mambo.

2 Waiva ane makore makumi maviri nemashanu paakava mambo, ndokutonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jehoadhani weJerusarema.

3 Zvino wakaita zvakarurama pameso aJehovha, asi hazvina kufanana nababa vake Dhavhidhi; wakaita sezvose baba vake Joashi zvavakaita.

4 Kunyange zvakadaro nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; vanhu vaingobaira nekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.

5 Zvino zvakaitika ushe hwasimbiswa muruoko rwake kuti wakarova varanda vake vaiva varova mambo baba vake.

6 Asi vana vevaurayi haana kuuraya, zvichienderana nezvakanyorwa mubhuku remurairo waMozisi, Jehovha maakaraira achiti: Madzibaba haangaurawi nekuda kwevana, uye vana havangaurawi nekuda kwemadzibaba; asi munhu umwe neumwe achaurairwa chivi chake.

7 Iye wakarova vaEdhomu zvuru gumi pamupata wemunyu, ndokutapa Sera nehondo, ndokutumidza zita rayo Joketeeri kusvika zuva ranhasi.

8 Ipapo Amaziya wakatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo waIsraeri, achiti: Uya titarisane chiso nechiso.

9 Zvino Jehoashi mambo waIsraeri wakatuma kuna Amaziya mambo waJudha, achiti: Munzwa uyu waiva paRebhanoni wakatuma kumusidhari waiva paRebhanoni, uchiti: Ipa mukunda wako kumwanakomana wangu kuva mukadzi. Zvino kwakapfuura chikara chesango chiri paRebhanoni, ndokutsikira munzwa pasi.

10 Warova zvirokwazvo Edhomu, uye moyo wako wakusimudzira. Kudzika, ugare mumba mako; nokuti unozvimutsirirei njodzi, kuti uwe iwe naJudha pamwe newe?

11 Asi Amaziya haana kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsraeri wakakwira, iye naAmaziya mambo waJudha vakatarisana chiso nechiso paBheti-Shemeshi riri raJudha.

12 Zvino Judha wakarohwa pamberi paIsraeri, ndokutiza umwe neumwe kutende rake.

13 Jehoashi mambo waIsraeri ndokubata Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhaziya, paBheti-Shemeshi, ndokusvika paJerusarema, ndokuputsa rusvingo rweJerusarema pasuwo raEfuremu kusvika pasuwo rapakona, makubhiti mazana mana.

14 Zvino wakatora goridhe rose, nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa muimba yaJehovha, nepafuma yeimba yamambo, nevaiva chibatiso, ndokudzokera kuSamariya.

15 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoashi dzaakaita, nesimba rake, nokuti wakarwa sei naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

16 Zvino Jehoashi wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa paSamariya kumadzimambo aIsraeri; Jerobhoamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

17 Zvino Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakararama makore gumi nemashanu shure kwekufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.

18 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAmaziya hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

19 Zvino vakamurongera rangano paJerusarema, iye ndokutizira kuRakishi; asi vakatuma vanhu kumutevera kuRakishi, ndokumuurairapo.

20 Zvino vakamutakura nemabhiza, uye wakavigwa muJerusarema kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi.

21 Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azariya, waiva nemakore gumi nematanhatu, ndokumuita mambo pachinzvimbo chababa vake Amaziya.

22 Iye wakavaka Erati, ndokuridzosera kuna Judha, shure kwekurara kwamambo pamwe nemadzibaba ake.

23 Mugore regumi nemashanu raAmaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo waIsraeri wakava mambo paSamariya, makore makumi mana nerimwe.

24 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka kubva pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Israeri.

25 Iye wakadzosera muganhu waIsraeri kubva pakupinda paHamati kusvika pagungwa remapani, zvichienderana neshoko raJehovha Mwari waIsraeri, raakataura neruoko rwemuranda wake Jona mwanakomana waAmitai, muporofita waibva kuGati-Heferi.

26 Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsraeri, kwarwadza zvikuru; nokuti kwaiva kusina anovharirwa, uye kusina wakasununguka, uye kusina mubatsiri kwaIsraeri.

27 Zvino Jehovha haana kureva kuti achadzima zita raIsraeri pasi pematenga, asi wakavaponesa neruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.

28 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, kuti wakarwa sei, uye kuti wakadzosa sei Dhamasiko neHamati kuna Israeri, aiva aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

29 Zvino Jerobhoamu wakarara nemadzibaba ake, nemadzimambo aIsraeri; Zekariya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.