ShonaTeam 2 Kings « 10 »

Rudzi rwaAhabhi nevaporofita vaBhaari vanoparadzwa

10Zvino Ahabhi waiva ane vanakomana makumi manomwe paSamariya. Jehu ndokunyora tsamba, ndokudzitumira kuSamariya kumisoro yeJezireeri, vakuru, nekuvareri vevana vaAhabhi, achiti:

2 Zvino ikozvino pakusvika kwetsamba iyi kwamuri, vanakomana vatenzi wenyu zvavari kwamuri, uye ngoro nemabhiza zviri kwamuri, neguta rakashoshewa, nezvombo,

3 zvionerei wakanakisisa uye wakafanira kuvanakomana vatenzi wenyu, muise pachigaro cheushe chababa vake, uye murwire imba yatenzi wenyu.

4 Asi vakatya zvikurusa, ndokuti: Tarirai, madzimambo maviri haana kumira pamberi pake, zvino isu tichamira sei?

5 Zvino umwe waitarira imba, neumwe waitarira guta, nevakuru, nevareri vevana vakatuma kuna Jehu, vachiti: Tiri varanda venyu, uye zvose zvamuchareva kwatiri tichaita. Hatingaisi munhu ave mambo. Itai zvakanaka pameso enyu.

6 Zvino wakavanyorera tsamba rwechipiri achiti: Kana muri vangu uye muchiteerera kuinzwi rangu, torai misoro yevarume ava, vanakomana vamambo wenyu, mugouya kwandiri kuJezireeri mangwana nenguva inenge ino. Zvino vanakomana vamambo, vanhu makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta vaivarera.

7 Zvino zvakaitika pakusvika kwetsamba kwavari, kuti vakatora vanakomana vamambo, ndokuuraya vanhu makumi manomwe, ndokuisa misoro yavo mumatengu, ndokutumira kwaari kuJezireeri.

8 Zvino kwakauya nhume ndokumuudza ichiti: Vaunza misoro yevanakomana vamambo. Iye ndokuti: Iitei mirwi miviri pamukova wesuwo kusvika mangwanani.

9 Zvino zvakaitika mangwanani kuti wakabuda ndokumira ndokuti kuvanhu vese: Imwi makarurama, tarirai ini ndakarongera tenzi wangu, ndokumuuraya; asi ndiani wauraya ava vese?

10 Zivai ikozvino kuti hakungawiri chinhu pasi pashoko raJehovha, Jehovha raakataura pamusoro peimba yaAhabhi; nokuti Jehovha wakaita zvaakataura neruoko rwemuranda wake Eria.

11 Naizvozvo Jehu wakauraya vose vaiva vasara veimba yaAhabhi muJezireeri, nevakuru vake vose, nevazikanwi vake, nevapristi vake, kusvika asina kumusiira musiiwa.

12 Zvino wakasimuka ndokubva ndokuenda kuSamariya; ari paimba yekuveurira makwai yevafudzi panzira,

13 Jehu wakasangana nevanin'ina vaAhaziya mambo waJudha, ndokuti: Ndimwi vana ani? Ivo ndokuti: Tiri vanin'ina vaAhaziya, uye tinoburuka kunokwazisa vana vamambo nevana vavahosi.

14 Iye ndokuti: Vabatei vari vapenyu. Zvino vakavabata vari vapenyu, ndokuvauraira pagomba reBheti-Ekedhi, varume makumi mana nevaviri; uye haana kusiya umwe wavo.

15 Wakati abvapo, wakawana Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, achizomuchingamidza; ndokumukwazisa, ndokuti kwaari: Moyo wako wakarurama here, sezvo moyo wangu une moyo wako? Jehonadhabhi ndokuti: Wakadaro. Kana zvakadaro, ndipe ruoko rwako. Zvino wakapa ruoko rwake ndokumukwidza mungoro kwaari.

16 Zvino wakati: Hendei neni, mugovona kushingairira kwangu Jehovha. Zvino vakamutasvisa mungoro yake.

17 Pakusvika kwake kuSamariya, wakarova vose vaiva vasara kuna Ahabhi muSamariya kusvika amupedza, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura kuna Eria.

18 Zvino Jehu akaunganidza vanhu vose, ndokuti kwavari: Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma; Jehu achamushumira zvikuru.

19 Naizvozvo ikozvino ndidanirei vaporofita vose vaBhaari, varanda vake vose, nevapristi vake vose, kusava neanoshaikwa; nokuti ndine chibairo chikuru kuna Bhaari; ani nani anoshaikwa haangararami. Asi Jehu wakaita nekunyengera, nechinangwa chekuti aparadze varanda vaBhaari.

20 Jehu ndokuti: Tsaurirai Bhaari mutambo wakadzama. Zvino vakaudanidzira.

21 Zvino Jehu wakatuma nhume kuna Israeri wose, varanda vose vaBhaari ndokuuya; hakuna kutongosara umwe asina kuuya. Zvino vakapinda mumba maBhaari kusvika yazara imba yaBhaari kubva kumuromo kusvika kumuromo.

22 Zvino wakati kuumwe waitarira imba yenguvo: Budisira varanda vose vaBhaari nguvo. Iye akavabudisira nguvo.

23 Zvino Jehu wakapinda ana Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhi muimba yaBhaari, ndokuti kuvaranda vaBhaari: Nzverai muone kuti hakuna kwamuri vevaranda vaJehovha here pano, asi varanda vaBhaari chete.

24 Zvino vapinda kuita zvibairo nezvipo zvinopiswa, Jehu waiva azvigadzira varume makumi masere panze ndokuti: Munhu kuvarume vandaisa mumaoko enyu achipukunyuka, upenyu hwake huchava pachinzvimbo cheupenyu hwake.

25 Zvino zvakaitika paakangopedza kuita chipo chinopiswa, kuti Jehu wakati kuvarindi nekuvatungamiriri: Pindai, muvauraye; kusabuda munhu. Zvino vakavarova nekwakapinza kwemunondo; varindi nevatungamiriri ndokuvapotsera, ndokuenda kuguta reimba yaBhaari.

26 Zvino vakabudisa mbiru dziri zvifananidzo zveimba yaBhaari, ndokudzipisa.

27 Vakaputsawo mbiru yaBhaari iri chifananidzo, ndokuputsa imba yaBhaari, ndokuiita imba yezvimbuzi kusvika nhasi.

28 Saizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari kubva muIsraeri.

29 Asi zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri atadze, Jehu haana kubva pakuzvitevera, mhuru dzegoridhe dzaiva paBheteri nedzaiva paDhani.

30 Zvino Jehovha wakati kuna Jehu: Zvawakaita zvakanaka pakuita zvakarurama pameso angu, waita kuimba yaAhabhi zvinoenderana nezvose zvanga zviri mumoyo mangu, vana vako verudzi rwechina vachagara pachigaro cheushe hwaIsraeri.

31 Asi Jehu haana kuchenjerera kufamba mumurairo waJehovha Mwari waIsraeri nemoyo wake wese; haana kubva pazvivi zvaJerobhoamu zvaakaita kuti Israeri atadze.

32 Pamazuva iwawo Jehovha wakatanga kutapudza Israeri; Hazaeri ndokuvarova pamiganhu yose yekwaIsraeri:

33 Kubva kuna Joridhani nechekumabvazuva, nyika yose yeGiriyadhi, vekwaGadhi, nevekwaRubheni, nevekwaManase, kubva paAroeri riri pamupata weArinoni, neGiriyadhi neBhashani.

34 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

35 Jehu ndokurara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga paSamariya; Jehoahazi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

36 Zvino mazuva aJehu aakatonga pamusoro paIsraeri paSamariya aiva makore makumi maviri nemasere.