ShonaTeam 1 Kings « 16 »

16Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani rakananga Bhaasha richiti:

2 Nekuda kwekuti ndakakusimudza kubva muguruva, ndokukuita mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri, asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, uye wakaita kuti vanhu vangu Israeri vatadze, ndokunditsamwisa nezvivi zvavo:

3 Tarira, ndichapedza chizvarwa chaBhaasha nechizvarwa cheimba yake; uye ndichaita imba yako seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.

4 Anofa waBhaasha muguta imbwa dzichadya; uye wake anofa kusango shiri dzekumatenga dzichadya.

5 Zvino dzimwe dzenyaya dzaBhaasha, nezvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

6 Bhaasha ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa paTiriza; Era mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.

7 Zvino shoko raJehovha rakasvikawo neruoko rwemuporofita Jehu mwanakomana waHanani rakanangana naBhaasha uye rakanangana neimba yake pamusorowo pezvakaipa zvese zvaakaita pameso aJehovha, kumutsamwisa nebasa remaoko ake, kuva seimba yaJerobhoamu, uye nekuda kwekuti wakamurova.

Madzimambo Era naZimiri naOmiri

8 Mugore remakumi maviri nematanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha wakava mambo pamusoro paIsraeri paTiriza, makore maviri.

9 Zvino muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro, wakamurongera ari paTiriza, achizvinwira kudhakwa mumba maAriza waiva pamusoro peimba paTiriza.

10 Zvino Zimiri wakapinda ndokumurova ndokumuuraya mugore remakumi maviri nemanomwe raAsa mambo waJudha; ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

11 Zvino zvakaitika pakutonga kwake pakugara kwake pachigaro chake cheushe, wakarova imba yese yaBhaasha; haana kumusiira umwe anowetera pamadziro kana hama dzake kana shamwari dzake.

12 Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yese yaBhaasha, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura rakananga Bhaasha neruoko rwaJehu muporofita,

13 nekuda kwezvivi zvese zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakatadza nazvo, uye zvavakaita kuti Israeri atadze, kutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo.

14 Zvino dzimwe dzenyaya dzaEra nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

15 Zvino mugore remakumi maviri nemanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri wakatonga mazuva manomwe paTiriza. Zvino vanhu vakavaka musasa kurwisa Gibhetoni raiva revaFirisitia.

16 Zvino vanhu vaiva vakavaka musasa vakanzwa zvichinzi: Zimiri warongera uyewo wauraya mambo. Naizvozvo Israeri wese wakaisa Omiri, mukuru wehondo, kuva mambo pamusoro paIsraeri zuva iro mumusasa.

17 Zvino Omiri wakakwira kubva paGibhetoni, naIsraeri wese pamwe naye, zvino vakakomba Tiriza.

18 Zvino zvakaitika Zimiri paakaona kuti guta ratapwa, kuti wakapinda munhare yeimba yamambo, ndokupisa imba yamambo nemoto pamusoro pake, ndokufa.

19 Nekuda kwezvivi zvake zvaakatadza, nekuita zvakaipa pameso aJehovha, nekufamba nenzira yaJerobhoamu, nemuchivi chake chaakaita, kutadzisa Israeri.

20 Zvino dzimwe dzenyaya dzaZimiri, nekurongera kwake kwaakaronga, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

21 Ipapo vanhu vaIsraeri vakaparadzana kuita mahafu; hafu yevanhu yakatevera Tibhini mwanakomana waGinati kuti vamuite mambo, uye hafu yakatevera Omiri.

22 Asi vanhu vakatevera Omiri vakasimba kupfuura vanhu vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati; Tibhini ndokufa, Omiri ndokutonga.

23 Mugore remakumi matatu nerimwe raAsa mambo waJudha, Omiri wakatonga pamusoro paIsraeri makore gumi nemaviri; paTiriza akatonga makore matanhatu.

24 Zvino wakatenga gomo reSamariya kuna Shemeri nematarenda* maviri esirivha, ndokuvaka pagomo, ndokudana zita reguta raakavaka nezita raShemeri muridzi wegomo, kuti Samariya.

25 Asi Omiri wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokuita zvakaipa kupfuura vese vaiva mberi kwake.

26 Nokuti wakafamba nenzira yese yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, nemuchivi chake chaakaita nacho kuti Israeri atadze, kutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri nezvinhu zvavo zvaiva zvisina maturo.

27 Zvino dzimwe dzenyaya dzaOmiri dzaakaita, nesimba rake raakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

28 Omiri ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa muSamariya; Ahabhi mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.

Ahabhi mambo waIsraeri

29 Zvino mugore remakumi matatu nemasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakava mambo pamusoro paIsraeri; Ahabhi mwanakomana waOmiri ndokutonga pamusoro paIsraeri paSamariya makore makumi maviri nemaviri.

30 Ahabhi mwanakomana waOmiri ndokuita zvakaipa pameso aJehovha, kupfuura vose vaiva mberi kwake.

31 Zvino zvakaitika, sezvinonzi chaiva chinhu chakareruka kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, ndokutora mukadzi, Jezebheri mukunda waEtibhaari mambo wevaSidhoni, ndokuenda ndokunomushumira Bhaari, akamunamata.

32 Zvino wakamisira Bhaari aritari muimba yaBhaari yaakavaka paSamariya.

33 Ahabhi ndokuita matanda ekunamata nawo; Ahabhi ndokuwedzera kuita kutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri kupfuura madzimambo ese aIsraeri akavapo mberi kwake.

34 Mumazuva ake Hieri muBheteri wakavaka Jeriko; ndokuisa nheyo dzaro naAbhiramu dangwe rake, ndokumisa mikova yaro naSegubhi gotwe rake; zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwaJoshua mwanakomana waNuni.