ShonaTeam 1 Kings « 13 »

Jerobhoamu anorohwa naJehovha paaritari

13Zvino tarira, kwakauya munhu waMwari kubva kwaJudha neshoko raJehovha kuBheteri; zvino Jerobhoamu waiva amire pedo nearitari kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira.

2 Iye ndokudanidzira kuaritari neshoko raJehovha ndokuti: Aritari, aritari, ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarira, mwanakomana achaberekerwa imba yaDhavhidhi, ndiJosiya zita rake; achabaira pamusoro pako vapristi venzvimbo dzakakwirira vanopisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pako, uye mapfupa evanhu achapisirwa pamusoro pako.

3 Zvino wakapa nezuva iro chiratidzo achiti: Ichi chiratidzo Jehovha chaataura: Tarira aritari inodamburwa uye madota ari pamusoro payo achadurukira pasi.

4 Zvino zvakaitika mambo paakanzwa shoko remunhu waMwari wakadanidzira kuaritari paBheteri, kuti Jerobhoamu wakatandavadza ruoko rwake akarubvisa paaritari achiti: Mubatei! Zvino ruoko rwake rwaakatandavadzira kwaari rwakaoma, zvekuti wakakonewa kurwudzosera kwaari.

5 Aritariwo yakadamburwa, nemadota akadurukira pasi kubva paaritari, zvichienderana nechiratidzo munhu waMwari chaaiva apa neshoko raJehovha.

6 Zvino mambo wakapindura ndokuti kumunhu waMwari: Kumbira hako chiso chaJehovha Mwari wako, uye undinyengeterere, kuti ruoko rwangu rwudzokere kwandiri. Munhu waMwari ndokukumbira chiso chaJehovha, ruoko rwamambo ndokudzokera kwaari, rwukava sepakutanga.

7 Zvino mambo wakati kumunhu waMwari: Enda neni tiende kumba, uzvivandudze, uye ndichakupa mubairo.

8 Asi munhu waMwari wakati kuna mambo: Kunyange mukandipa hafu yeimba yenyu, handingaendi nemwi uye handingadyi chingwa kana kunwa mvura munzvimbo ino.

9 Nokuti saizvozvo wakandiraira neshoko raJehovha achiti: Usadya chingwa uye usanwa mvura uye usadzoka nenzira yawaenda nayo.

10 Naizvozvo wakaenda neimwe nzira akasadzokera nenzira yaakauya nayo kuBheteri.

Muporofita asina kuteerera anourawa neshumba

11 Zvino kwaigara muporofita mutana paBheteri; mwanakomana wake ndokuuya ndokumuudza basa rese munhu waMwari raakaita zuva iroro paBheteri; mashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaaudza baba vavo.

12 Baba vavo ndokuti kwavari: Waenda nenzira ipi? Nokuti vanakomana vake vaiva vaona nzira munhu waMwari wabva kwaJudha yaakafamba nayo.

13 Zvino wakati kuvanakomana vake: Ndisungirei chigaro pambongoro; zvino vakamusungira chigaro pambongoro; iye ndokuitasva.

14 Ndokutevera munhu waMwari, ndokumuwana agere pazasi pemuoki, ndokuti kwaari: Ndiwe munhu waMwari abva kwaJudha here? Iye ndokuti: Ndini.

15 Iye ndokuti kwaari: Hendei neni tiende kumba, unodya chingwa.

16 Iye ndokuti: Handigoni kudzokera nemwi kana kupinda nemwi, uye handingadyi chingwa uye handinganwi mvura nemwi panzvimbo iyi.

17 Nokuti shoko kwandiri neshoko raJehovha rakati: Haungadyi chingwa uye haunganwi mvurapo, haungadzokeri kuenda nenzira yawakauya nayo.

18 Zvino wakati kwaari: Neni ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wataura kwandiri neshoko raJehovha, achiti: Mudzose kumba kwako newe kuti adye chingwa uye anwe mvura. Akataura nhema kwaari.

19 Naizvozvo wakadzokera naye ndokudya chingwa mumba make ndokunwa mvura.

20 Zvino zvakaitika vagere patafura, kuti shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa.

21 Akadanidzira kumunhu waMwari, waiva abva kwaJudha, achiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Zvausina kuteerera muromo waJehovha, uye zvausina kuchengeta murairo Jehovha Mwari wako waakakuraira,

22 asi wadzokera uye wadya chingwa nekunwa mvura munzvimbo yaakati nezvayo kwauri: Usadya chingwa uye usanwa mvura; chitunha chako hachingasviki kuguva remadzibaba ako.

23 Zvino zvakaitika shure kwekudya kwake chingwa uye shure kwekunwa kwake, kuti wakamusungirira chigaro pambongoro iye muporofita waiva amudzosa.

24 Wakati aenda, shumba yakasangana naye panzira, ndokumuuraya; chitunha chake ndokukandirwa munzira, mbongoro ndokumira parutivi rwacho, shumba ndokumira parutivi rwechitunha.

25 Zvino tarira, vanhu vakapfuura ndokuona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire parutivi rwechitunha. Zvino vakasvika ndokutaura muguta, maiva mugere muporofita mutana.

26 Zvino muporofita wakamudzosa panzira paakanzwa, wakati: Ndiye munhu waMwari asina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamupa kushumba, yamubvambura ndokumuuraya, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura kwaari.

27 Zvino wakataura kuvanakomana vake achiti: Ndisungirirei chigaro pambongoro; vakaisungira chigaro.

28 Zvino wakaenda ndokuwana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire parutivi rwechitunha; shumba yaiva isina kudya chitunha uye yaiva isina kupwanya mbongoro.

29 Zvino muporofita wakasimudza chitunha chemunhu waMwari ndokuchiisa pamusoro pembongoro ndokuchidzosa; muporofita mutana ndokusvika muguta kumuchema nekumuviga.

30 Zvino wakaisa chitunha chake muguva rake ndokumuchema: Maiwee, munin'ina wangu!

31 Zvino zvakaitika shure kwekumuviga, kuti wakataura kuvanakomana vake, achiti: Pakufa kwangu, mundivige muguva makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi rwemapfupa ake.

32 Nokuti shoko richaitika zvirokwazvo raakadanidzira neshoko raJehovha kuaritari paBheteri, nekudzimba dzose dzenzvimbo dzakakwirira ari pamaguta eSamariya.

33 Shure kwechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakaitazve vapristi venzvimbo dzakakwirira pavanhu kubva kumigumo; anoda wakamutsaura, ndokuva umwe wevapristi venzvimbo dzakakwirira.

34 Zvino nechinhu ichi chakava chivi paimba yaJerobhoamu, kunyange kuigura nekuiparadza ibve pachiso chenyika.