ShonaTeam 1 Kings « 6 »

Kuvakwa kwetembere

6Zvino zvakaitika pagore remazana mana nemakumi masere shure kwekubuda kwevana vaIsraeri panyika yeEgipita, pagore rechina rekutonga kwaSoromoni pamusoro paIsraeri, mumwedzi waZifi unova mwedzi wechipiri, wakavaka imba yaJehovha.

2 Zvino imba mambo Soromoni yaakavakira Jehovha, kureba kwayo kwaiva makubhiti makumi matanhatu, uye upamhi hwayo maviri, nekukwirira kwayo makubhiti makumi matatu.

3 Uye berere pamberi petembere yeimba, kureba kwaro kwaiva makubhiti makumi maviri zvichienderana neupamhi hweimba; upamhi hwaro hwaiva makubhiti gumi pamberi peimba.

4 Zvino wakaitira imba mahwindo matete akavharwa ebasa rezvirukwa zvezvitanda.

5 Zvino wakavaka makamuri pachidziro cheimba kumativi ose, madziro eimba kunhivi dzose, etembere uye enzvimbo yeshoko; ndokuita makamuri parutivi kupoteredza.

6 Zvino kamuri raiva pasi peose, upamhi hwaro hwaiva makubhiti mashanu, uye riri pakati, upamhi hwaro hwaiva makubhiti matanhatu, neretatu, upamhi hwaro makubhiti manomwe. Nokuti wakaita zvitakuriso zveimba kupoteredza kunze, kuti matanda arege kupfekera mumadziro eimba.

7 Zvino imba ichiri kuvakwa, yakavakwa nemabwe akaperedzerwa pakuvezwa, kuti kusanzwikwa nyundo kana sanhu kana nhumbi ipi neipi yedare muimba ichiri kuvakwa.

8 Mukova wekamuri riri kurutivi rwepakati waiva kurutivi rwerudyi rweimba. Zvino vaikwira nezvikwiriso zvinomonereka kuenda kukamuri repakati, uye kubva pane repakati kuenda kune retatu.

9 Zvino wakavaka imba ndokuipedza; ndokufukidza imba nematanda uye nemapuranga emisidhari.

10 Zvino wakavaka makamuri kurutivi rweimba yese; makubhiti mashanu kukwirira kwawo, neekupfekera paimba nematanda emisidhari.

11 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti:

12Kana iri imba iyi yaunovaka, kana ukafamba nezvimiso zvangu, uye ukaita mitongo yangu, uye ukachengeta mirairo yangu yose kufamba nayo, ndichaita shoko rangu kwauri, randakataura kuna Dhavhidhi baba vako;

13 uye ndichagara pakati pevana vaIsraeri, uye handingarasi vanhu vangu Israeri.

14 Naizvozvo Soromoni wakavaka imba ndokuipedza.

15 Zvino wakavaka madziro eimba mukati nemapuranga emusidhari; kubva pasi peimba kusvika pamadziro edenga wakawaridza mukati nemapuranga, ndokuwaridza pasi peimba nemapuranga emusipiresi.

16 Zvino wakavaka makubhiti makumi maviri kumativi eimba nemapuranga emusidhari kubva pasi kusvika pamadziro; akaivakawo nechemukati, achiitira nzvimbo yeshoko, achiitira nzvimbo tsvene-tsvene.

17 Zvino imba, iyo tembere yaiva pamberi, yaiva makubhiti makumi mana.

18 Zvino musidhari weimba mukati waiva wakavezwa nemafundo nemaruva akazaruka; zvose zviri musidhari, kwaiva kusingaonekwi ibwe.

19 Zvino wakagadzira nzvimbo yeshoko mumba mukati, kuisapo areka yesungano yaJehovha.

20 Zvino nzvimbo yeshoko yaiva pamberi yaiva makubhiti makumi maviri pakureba uye makubhiti makumi maviri paupamhi uye makubhiti makumi maviri pakukwirira kwayo; zvino wakaiputira negoridhe rakaisvonaka; nearitari wakaifukidza nemusidhari.

21 Zvino Soromoni wakadzudzura imba nechemukati mayo negoridhe rakaisvonaka; ndokupfuudza maketani egoridhe pamberi penzvimbo yeshoko, ndokuidzudzura negoridhe.

22 Zvino wakadzudzura imba yose negoridhe kusvika apedza imba yese; akadzudzurawo negoridhe aritari yose yaiva panzvimbo yeshoko.

23 Zvino wakaita mukati menzvimbo yeshoko makerubhi maviri emuti wemuorivhi, kukwirira kwerimwe nerimwe makubhiti gumi.

24 Rimwe bapiro rekerubhi raiva makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rekerubhi raiva makubhiti mashanu; kubva pamicheto yebapiro raro rimwe kusvika pamicheto yebapiro raro rimwe aiva makubhiti gumi.

25 Uye rimwe kerubhi raiva makubhiti gumi; makerubhi ari maviri aiva nechiyero chimwe nechimiro chimwe.

26 Kukwirira kwerimwe kerubhi kwaiva makubhiti gumi, uye saizvozvo rimwe kerubhi.

27 Zvino wakaisa makerubhi mukati meimba yemukati; uye makerubhi akatandavadza mapapiro zvekuti bapiro rerimwe rakabata madziro, uye bapiro rerimwe rekerubhi rakabata amwe madziro; uye mapapiro awo ndokugunzvana bapiro nebapiro pakati peimba.

28 Zvino wakadzudzura makerubhi negoridhe.

29 Uye wakafombora madziro ose eimba kunhivi dzose mifananidzo yakafomborwa yemakerubhi nemiti yemichindwe nemaruva akazaruka, mukati nekunze.

30 Nepasi peimba wakadzudzura negoridhe, mukati nekunze.

31 Zvino wakaitira mukova wenzvimbo yeshoko magonhi emuti wemuorivhi; chivivo chepamusoro nemagwatidziro zvakabudikira pacheshanu chemudhuri.

32 Uye magonhi maviri aiva emuti wemuorivhi, ndokuafombora mifomborwa yemakerubhi, nemiti yemichindwe, nemaruva akazaruka, ndokuzvidzudzura negoridhe; ndokupambadzira goridhe pamusoro pemakerubhi nepamusoro pemiti yemichindwe.

33 Saizvozvowo wakaitira mukova wetembere magwatidziro emuti wemuorivhi, pamativi mana.

34 Nemagonhi maviri emuti wemusipiresi; mativi maviri egonhi rimwe aipeteka, uye mapenga maviri egonhi repiri aipeteka.

35 Zvino wakafomborerapo makerubhi nemiti yemichindwe nemaruva akazaruka; akazvidzudzura negoridhe rakapambadzirwa zvakanaka pamusoro pezvakavezwa.

36 Zvino wakavaka chivanze chemukati nemitsara mitatu yemabwe akavezwa, nemusara wematanda emusidhari.

37 Negore rechina nheyo dzeimba yaJehovha dzakadzikwa, nemwedzi waZivi.

38 Zvino mugore regumi nerimwe, nemwedzi waBhuri, uri mwedzi werusere, imba yakapera pazvinhu zvayo zvose, uye zvichienderana nekumiswa kwayo kose. Naizvozvo wakaivaka makore manomwe.